Hushumiri

Kubva Wikipedia

Mukushanda kunoita hushangazhi, hushumiri (services) chikamu cheHushangazhi Hwetatu (Tertiary Industry). Iri iboka reHushangazhi rinoshumira mumabasa akasiyana-siyana; zvibereko zveHushangazhi uhwu hazvisiri zvinhu zvinobatika asi kubatsira: kuwanikwa; kufambiswa; kuchengetedzwa; kushambadzwa; nekutengeswa kwezvinhu zvinobatika. Marudzi eHushangazhi Hwetatu anosanganisira maBhangi; Zvitoro; Kufambiswa kwezvinhu pamwe nevanhu; Insurance; mabasa eHurumende, matare emhosva; maHotera; nzvimbo dzemafaro nedzekushanya, zvichingodaro. Iri boka reHushangazhi rine chekuita nekusvitsa hushumiri (Service) kuvanhu uye kune mamwe mapoka eHushangazhi.