Dokwaira
Shoko rokuti dokwaira (craving) rinoreva kushuvira chinhu kuchiona kana kuva nacho.
Kana munhu achidokwairira nyama anonzi ane nhomba yenyama.
Kana munhu achidokwairira chimwe chidiwa nemuviri wake anonzi ane havi
Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]
- Kudokwaidza - kukonzera munhu kuti ave nechidokwadokwa.
- Mwoyo wangu une chidokwadokwa nemwanasikana wangu.
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
- Kupanga, (crave, desire, yearn, long for) zvichireva kufa nomoyo, kuvinga, kupungaira, kudokwaira; kudakarira ; chidaka-daka, kudongonyoka.
- Kububa kana kupanga (Crave meat, beer, sensual satisfaction, etc). Imbwa dzabuba nhasi: the dogs had nothing to eat today there being no left-overs).
- Chipangwa kana zvipangwa pakuwanda (that which you crave, desire) zvichida izwi iri rinokwanisa kuturikira needs yakarehwa naMaslow. Nokumwe kutaura toti mbangwa.
- Kubongozeka (Crave food).
- Mapangiro (Strong desire) apa kureva rudiso
Tsumo[chinja | edit source]
- Nhomba yavarume iri pashori youta. Men's craving for meat is on the (shooting) mark of the bow.