Chinyaridi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChinyavada)
Nyavada
Mwiri weNyavada

Nyavada (Chirungu: Scorpion) kana chinyaridi uye rize. Zvinyavada zvese zvine neurotoxic uturu uye iyo gland yehuturu iri kumucheto kwemuswe.[1] Zvinyavada zvinoratidza mutsauko mushoma wepamasikirwo azvo, kunyange hazvo zvinyavadarume kazhinji zviri zvitete uye zvine miswe mirefu kupfuura zvinyavadakadzi. Hofori pakati pezvinyavada dzinosanganisira imwe yeruvara tema inonzi:[2]

  • Nyavada Madzishe kana "emperor scorpion" muChirungu (Pandinus imperator),

Ndeyerudzi rwemu Afrika rwunowanikwa muGini (Guinea), mwiri yayo yakareba kusvika 18 cm (7 inches) uye inorema magiramu 60 (anopfuura ma2 ounces).[2] Pamusoro pezvo, nyavada yakarebesa paRinopasi rese inonzi:

  • Nyavada yedombo (Hadogenes troglodytes)

Inowanikwa kuSouth Afrika; nyavadakadzi yerudzi iyi yakareba kusvika masentimita makumi maviri nemasere (25cm; 8.3 inches).[2]

Mhando dzeZvinyavada[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zimbabwe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mu Zimbabwe kunowanikwa:[1]

  • Hormuridae (zvinyavada zvematombo nemiti)
  • Scorpionidae (zvinyava zviri burrowing)
  • Buthidae (zvinyavada zvakakora)

Mhando dze Hormuridae[1][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ma Hadogenes
  • Ma Opistacanthus

Mhando dze Scorpioninadae[1][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Opistophthalmus

Mhando dze Buthidae[1][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ma Hottentotta (anowanzo wanikwa)
    • Hottentotta trilineatus (eastern nomad scorpion),
    • Uroplectes flavoviridis (the yellow lesser thick-tail scorpion)
    • U. planimanus (orange lesser-tailed)
    • U. vittatus ( stripped lesser thick-tailed) is found under the bark of trees.
    • U. flavoviridis (ndee ruvara zerere wakatisvibirei, kusvika pahuroro, uye mamwe acho ndee huroro kusvika ruvara rweranjisi nema mara matema. Zvinyavada izvi ndizvo zvinokonzera (pamwe) ma-stings akanyanya.

Parabuthus (ane muswe gobvu) mhando dzine huturu hwakanyanya hwavanoshandisa kukurira mhuka dzavanotapa nekudzinga vadzivisi nekudziruma.[1]

Mhando dze Parabuthus[1][chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Parabuthus mossambicensis
  • Parabuthus transvaalicus
  • Parabuthus granulatus
  • Parabuthus kuanyamarum

Parabuthus granulatus[1]

  • ndee ruvara mbise
  • Akareba kusvika 75-115 mm
  • Akatetepa
  • Ndiwo manyavhute ane huturu hwakanda kuChamhembe cheAfrkia (asi huwandu hwehuturu hunoburitswa hunenge chikamu chetatu cheicho chinoburitswa ne P. Transvaalicus).

Mifananidzo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 1.7 Paddy Pacey et al., 16 Gunyana 2020, 'Scorpions and Scorpionism in Zimbabwe' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  2. 2.0 2.1 2.2 'Scorpion' Yakatariswa: 22 Chikumi 2021