Chikwera

Kubva Wikipedia

Muhushangazhi hwemugodhi, chikwera (In Mines, a Man carrying skip) izwi rinoshandiswa kududza chivakwa chinoshandiswa kutakura vanhu vanopinda pasi pemigodhi. Chikwera chinenge chakarembedzwa patambo yakagadzirwa ne steel uye chinofamba panjanji dzesimbi dzinodzika pasi pemugodhi. Njanji idzi dzinobatsira kuti chikwera chisazeya kana kurovera kumadziro emugodhi pachinodzika nokukwira.

Chikwera chihombe chinokwanisa kutakura vanhu vanodarika makumi maviri, 20. Zvakare chikwera chigona kuvakwa chiine mudurikidzanwa kuti chitakure vanhu pasi nepamusoro.

Tambo dzinotakura chikwera dzine mitemo yokuti dzinge dzichiongorworwa kuti dzichakasimba here zvichitevera mitemo yehurumende. Izvi zvinoitwa nokuda kwenjodzi yokuti tambo dzinokwanisa kudambuka chikwera chakawira mugomba vanhu vafakuvara kana kufa.

  • Kune mhando yechikwera inoshandiswa kutakura chitofu kubva pasi pemugodhi; iyi inodanwa kunzi chikepe. Izwi iri rinobva pane reEnglish rokuti skip.