Alaska, Zimbabwe

Kubva Wikipedia

Alaska imusha uri mudunhu reMashonaland West, muZimbabwe.

Alaska inowanikwa makiromita 15 (9 maera) kubva muguta reChinhoyi. Mitsetse yakatarwa yakati sambamba yeKaroi inoti: 17° 22' 30.00"S, 30° 3' 54.00"E (Mbariro yeTaranyika:-17.3750; Mutandariko weTaranyika:30.0650). Inowanikwa pamusoro pegungwa mamita anosvika pa1,200 (3900 ft).

Makilomita 7 (4.3 maera) kuchamhembe nechekumabvazuva kubva kuAlaska kunowanikwa Chirorodziva reChinhoyi muChinhoyi Caves National Park, nzvimbo inoshanyirwa nevagari vemunharaunda.

Nzvimbo iyi yakapfuma nendarama. Mugore ra1959 mugodhi wendarama weAlaska Mine wakatanga kucherwa ndarama. Ndiwo wakabata dhorobha, parizvino wakavharwa. Zvichakadaro, mimwe migodhi iri mudunhu ichiri kuchera ndarama iyo inounzwa kuAlaska kuzonyunguditswa nekunhadzurudzwa.

Vanoti zita rekuti Alaska rakauya mushure mawanikwa goridhe muAlaska, kuNorth America, panguva imwe chete.

Mugore ra2004, kwakafungizirwa kuti huwandu hwaisvika pa4,575.