Gweta
Appearance
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/7/70/Attorneys_Bergold_and_Aschenauer_with_Prosecutor_Ferencz_at_the_Einsatzgruppen_Trial.jpg/220px-Attorneys_Bergold_and_Aschenauer_with_Prosecutor_Ferencz_at_the_Einsatzgruppen_Trial.jpg)
Gweta (lawyer) munhu akadzidza zvemitemo kusvika padanho rekuUniversity, munhu uyu anoita mabasa anotevera:
- Kupa mazano pamusoro pekubatwa kwemabasa zvinoenderana nemitemo.
- Kumuririra vanhu mumatare anotonga mhosva.
- Kubatsira kunyora pasi zvibvumirano zviri maererano nemutemo.
- Kududzira mutemo kune avo vangada kuziva.
Mamwe magweta vanozivikanwa kunyanya munhoroondo yeZimbabwe ndeava: Herbert Chitepo, Tendai Biti, Eric Matinenga, Beatrice Mtetwa, nevamwewo.
Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- MaZulu vanoti igqwetha (lawyer) kureva gweta.
- Shilluk inoti a gweta (it was written by me). Mamwe mazwi gwedo (to carve; to write).
- Uyo Ibibio vanoti wet (v. write) kureva kunyora