Bhuru
Appearance
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/d/d3/Full_Blood_Wagyu_Bull_in_Chile.jpg/220px-Full_Blood_Wagyu_Bull_in_Chile.jpg)
Bhuru (bull in English) imombe hono isina kuchekwa. Iyi ndiwo mukono unokwanisa kubereka. Bhuru rinoonekwa nenyundwa uye machende mahombe akarembera. Bhuru rinotaurwawo pamukono wedzimwe mhuka dzinosanganisira nyati, nzou; mhofu; nhoro; ngwarati nedzimwewo.
Mamwe mazita anoshandiswa ndeekuti ngunzi kana kuti handira kana hando.