User:Holani Mina

Kubva Wikipedia

Holani Mina (kureva: Lead/guide me) - ndiri murume akaberekwa mudunhu rinonzi Dewedzo Rusape. Ndinonyora pano pa Wikipedia muChiShona. Chinangwa changu kukurudzira mitauro yedu yemu Afrika kuti tigone kutaura nekudzidzisa zvine chekuita ne Science tichishandisa mitauro yedu. Ndiri mugari weNorth America uko ndakatanga kunyora pa Wikipedia ndichishandisa zita rokuti Thumani Mabwe - cherechedzai kufanana kwezvinyorwa zviri pasi pemazita maviri aya. Ndakaverenga Bachelor of Science Honours degree ndichidzidzira zvekutapa simbi kubva mumabwe uye kuwumba nokuchengetedza simbi dzemabasa akatsaukana. Ko munhu anonyora neChiShona anozoshandisa zita reZulu kana IsiNdebele sei? Ehe, ikoko ndiko kwakabva mamwe madzitateguru angu. Vamwe tateguru vangu vechipiri kubva pazera rangu (great-grandfather) vakauya nebasa kumatunhu eMashonaland. Nekufamba kwenguva, vakaroora mudzimai werudzi rweVaShona. Zvamunoona vakadzi ava vane simba rakavanzika. Zvakazoitika mberi kwacho ndizvo zvamuri kuwona kudai ndichinyora nerurimi rwaAmbuya. Simunye - tiri vamwe maZimbabwe.