Tsika yekurava nhamba

Kubva Wikipedia

Tsika yekurava nhamba (numeral system in English) zvinoreva mitowo unoshandiswa pamanyorerwo nemaverengerwo anoitwa nhamba kuti dzive dzakarongeka dzinonzwisiswa nevanhu vose vanoda kudzishandisa. Tsika inoshandiswa kunyora nekuverenga nhamba inotevedza nzira yatingati muravanegumi (decimal system). Izvi zvinoreva kuti nzira yokuverenga inoshandisa gumi sehwaro yoramba ichiwumba huwandu zvichienderana nemakumi. Nhamba dzose dzinoverengwa dzichifananidzwa negumi kana kuti zvitsama zvegumi sezvizvi:


  • Kana pachiverengwa, nhamba inotevera gumi (10) inozova gumi nerimwe (11), kwouya gumi nembiri (12), gumi nenhatu (13), gumi nemana (14), zvichingodaro.
  • Zvimwechetezvo kana pakwana makumi maviri (20) kunenge kwotevera, makumi maviri nerimwe (21), makumi maviri nembiri (22), makumi maviri nenhatu, zvichingoenda zvakadaro.
  • Makumi gumi anonzi zana; makumi zana anonzi chiuru, zvichingodaro.