Tsaona yebhazi yekuMmamatlakala mugore ra2024

Kubva Wikipedia

Musi wa28 Kurume 2024, bhazi rainge rakatakura vanhu rakadonha pedyo neMamatlakala kuLimpopo, kwakadziva kuchamhembe kweSouth Africa, rikauraya vanhu makumi mana nevashanu. Mutsaona iyi pakapona musikana ane makore masere okuberekwa, asi akakuvara zvakaipisisa. Mumashoko atururwa neSouth African Department of Transport, chiitiko chacho chakaitika apo mutyairi akatadza kudzora bhazi. Bhazi rakapfuurira zambuko richibva rabatira moto. Bhazi iri raitakura vafambi veEaster kubva kuGaborone, Botswana, kuenda kuMoria, South Africa. [1] [2]

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

South Africa ine imwe yemigwagwa yakagadziridzwa zvakanyanya muAfrica asi ine inayowo nhoroondo yetsaona yakaipisisa. Munguva yemazuva mana evhiki rePasika muna 2023, nyika yakanyora zviitiko zvetsaona zvemotokari zana nemakumi masere neshanu zvakakonzera kufa kwevanhu mazana maviri nemakumi maviri neshanu. Mumashoko akataurwa maawa mashoma njodzi isati yaitika, mutungamiri wenyika, VaCyril Ramaphosa, vakurudzira vanhu vemuSouth Africa kuti vangwarire mumigwagwa pakupera kwesvondo rePasika vachiti: “Ngatiitei zvese zvatinogona kuti Pasika iyi ive isina njodzi. Ngaisava nguva yekumirira kuona huwandu hwenjodzi kana kukuvara mumigwagwa yedu." [3]

Chechi yeZion Christian Church, inova sangano gurusa kuchamhembe kweAfrica, ine muzinda kuMoria uye inokwezva mamirioni evaKristu vanobva kuSouth Africa nenyika dzakatenderedza nerwendo rwayo rwepagore rwePasika. [4] Iyo 2024 pilgrimage yaive yekutanga muguta kubva padenda reCOVID-19 .

Njodzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Bhazi iri rainge rine rezinesi reBotswana uye rainge rakatakura vanhu vekuchechi yeSt Engenas Zion Christian Church kuMolepolole, inenge awa imwe chete kubva kuGaborone, vakananga kuchechi yePasika kuMoria. [4] Rakanga rakatakura vanhu makumi mana nevatanhatu uye raifamba munzira yemudunhu 518 inopfuura nepaKloof Pass, inova nzira ine makomo uye maboterekwa akawanda zvikuru. Ruzivo rwekutanga rwakaratidza kuti mutyairi akange apotsa nzira irinane yeN11 inova nzira yenyika .

Bhazi rakadonha kubva padivi peMma Matlakala Bridge, kuMmamatlakala pakati peMokopane neMarken, ndokupinda mugoronga, ndokubatira moto mushure mekurovera paruware 50 metres (160 ft) pasi pebhiriji. Bazi rezvekutakurwa kwezvinhu muSouth Africa rinoti mutyairi akatadza kuridzora bhazi izvo zvakonzera kuti risangane nezvipingamupinyi rikabva rabuda padivi pebhiriji. [1] Bhazi rakanga richidhonzawo ngoro, sekureva kwevashandi vekununura, iy yaiwedzerawo huremu. Moto wacho waibatanidza magaba egasi, ayo vafambi vakawanda vakanga vakatakura kuti vashandise kubika. Vafambi vakapona vakavharirwa muhungwandangwanda zvakaita vasakwanisa kusvikirwa nerubetsero nekukurumidza nevanunuri kusvika vapiswa vari vapenyu.

Mabasa ekununura akaitika zvichitevera tsaona iyi, uye akaenderera mberi kusvika nguva dzemanheru.

Vakakuvara[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanhu makumi mana nevashanu vakafa mutsaona iyi. Akapona ari oga, musikana ane makore masere okurarama, akaiswa muchipatara nekukuvara kwakakomba. Akazonzi akange agadzikana, aine mavanga madiki pamaoko, makumbo, musoro nekumusana. Mutyairi nevafambi vese vaive zvizvarwa zveBotswana. [4] Musikana uyu ari kutarisirwa kuburitswa musi wa3 Kubvumbi odzoserwa kumusha kuBotswana.

Mimwe yemitumbi yakatsva kusvika pakusazivikanwa, asi mimwe yacho yainetsa kuwana nekuda kwemarara aive akapararira panzvimbo yetsaona. Mumwe mukadzi akafa mushure mekutakurwa nendege kubva panzvimbo yetsaona. Kubva ku29 Kurume, mitumbi makumi matatu nemana yaburitswa panzvimbo iyi, kasi mipfumbamwe chete ndiyo yavekuzivikanwa. [4]

Mhinduro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutungamiri Ramaphosa vakatumira mashoko enyaradzo kumutungamiri weBotswana, Mokgweetsi Masisi, [5] uye vakavimbisa kutsigira nyika yavo mushure metsaona iyi. Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu muSouth Africa, Amai Sindisiwe Chikunga, vakaenda kunzvimbo yakaitikira tsaona iyi, uko vakakurudzira kutyaira zvine mutsindo mukupera kwesvondo reEaster uye vakapa mirangariro pamwe nekunamatira mhuri dzevafi. Vaenderera mberi vachiti hurumende yeSouth Africa ichabatsira mukudzosera zvitunha kuBotswana voita ongororo yakazara. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana , VaLemogang Kwape, vadaidzira chiitiko ichi senjodzi, vakati vafonerwa nemumwe wavo wekuSouth Africa, Amai Naledi Pandor, vachivazivisa nezvemamiriro akaita zvinhu. [4]

  1. 1.0 1.1 Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named BBC News
  2. Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named CNN
  3. Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named DW
  4. 4.0 4.1 4.2 4.3 4.4 Empty citation (help)  Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; name "The New York Times" defined multiple times with different content
  5. Empty citation (help)