Svoti

Kubva Wikipedia

Svoti inyoka ine mhumhu huri pakati nepakati iine musoro wakati farei nekamuswe kadiki. Ine ruvara rwakada kuita pfumbu yakasvibirira ichidziva kuita zerere. Inowanzo kandira mazi kutangira pamashanu kusvika kugumi pakutanga kwezhizha. Mazai aya anowanzokandirwa pasi pemashizha kana matombo. Nyoka iyi inowanza kufarira kudya matatya chete uye inowanza kuvhima husiku.

Huturu hwenyoka iyi hauna muchetura uye kunze kwekuti parumwa pacho panongorwadza kwenguva pfupi.

Pachirungu nyoka iyi inodaidzwa kuti herald snake.