Shomwe

Kubva Wikipedia

Izwi rokuti shomwe kana chisomo riri kushandiswa pano kuturikira inonzi nucleus or core kuEnglish.

Izwi rokuti nucleus rakabva pazwi reLatin rokuti nuc rinoreva little nut, kernel or core - apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa chisiri mateko. Saka pano kuturikira kernel kuChiShona tinenge toti shomwe. Shomwe zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati petsongoro pamichero yakadai sehacha kana pfura - idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.

Zvose zvinowanikwa pashomwe zvinenge zvonzi ushomwe kana usomo - nucleons.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vatauri veKikongo vanoti ntima (core).
  • VaNyungwe vanoti cibere (kernel).