Nwiwa

Kubva Wikipedia

Nwiwa (watermelon in English) muchero unowanikwa musango kana kuti uchirimwa pamusha. Nwiwa kana kuti vise muchero unonzi wakabva kuno kuchamhembe kweAfrica ukazopararira Pasirose. Manwiwa anorimwa muminda pamwe nechibage nemanhanga.

  • Jeza (immature watermelon) apa kureva nwiwa risati rasvika.
  • Mhudzi (seeds of melon species).
  • Izwi rokuti mpale (dried strips of melon) rinotaurwa kuKalanga richireva mbadzi dzenwiwa dzakawomeswa kana kufushwa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • BaKalanga vanoti phudzi (seeds of melon species) vachireva mhudzi.
  • Mururimi rweChewa vanoti mavemve kana matikiti (to melon) kureva manwiwa.
  • VaNyungwe vanoti bvembe kana mabvembe (watermelon) kureva nwiwa.