Nwiwa (watermelon in English) muchero unowanikwa musango kana kuti uchirimwa pamusha. Nwiwa kana kuti vise muchero unonzi wakabva kuno kuchamhembe kweAfrica ukazopararira Pasirose. Manwiwa anorimwa muminda pamwe nechibage nemanhanga.