Manhanga
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuNhanga (Muchero))
Nhanga muchero unorimwa mumunda panguva yezhizha. Vamwe vanodya mashizha ayo anozivikana nekuti muboora kana maruva acho anonzi mangare anenge aneruvara rweyellow. Muboora unova ndiwo unobereka manhanga unodyarwa kubva mumhodzi dzemanhanga unotambarara woita maruva panova ndipo panozobva manhanga. Nhanga (manhanga kana akawanda) rinobikwa rodyiwa rakadaro kana kuritswanwa roitwa nhopi. Vamwe vano omesa mhodzi vodzikanga vodzvura vogadzira mabumbe.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Jekera (Small, tender, young pumpkin (added to spinach in much the same way as tomatoes) apa kureva nhanga dete rinochekerwa mumuriwo sezvinoitwa madomasi.
- Huvhe kana marovhu (Pulp surrounding the seeds inside a pumpkin) apa kureva zviya zvinowanikwa zvakakochekera pamhodzi dzemanhanga. Vamwe vanoti rovhu.
- Kubvengenya (shred).
- Kusesa (to scrape pumpkin) zvichireva kupara nhanga.
- Mugwanda (Leaves of pumpkin plant, cooked or to be cooked).
- Chagwanda kana mumhare (Spinach of dried pumpkin leaves dried without first being boiled).
- Mhunzi kana mhodzi (seed of pumpkin) kureva mhodzi dzemanhanga.
Mhando dzeManhanga
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chinyamande (variety of Pumpkin).
- Dzudzi kana madzudzi (Yellow variety of Pumpkin).
- Mbomboni, mbambunu kana mbambuni (Variety of Pumpkin - large, light coloured, soft skinned).
- Manga (Variety of pumpkin).
- Vatauri veKalanga vanoti ditima (Pumpkin) kureva nhanga.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Manga chena inoparira parere nhema. Apa kureva - the white pumpkin led to the exposure of the black pumpkin.
- Nhanga rekugwanzi (nzira) ndimandiparira ngozi. The pumpkin that grows near the pathway leads to misfortune. Apa kureva - Zviito zvakanaka zvemunhu kana pfuma yake zvikabuda pachena zvinowanzokonzera kuvengwa navamwe.
- Nhanga rokunze ndimandiparira ngozi. A pumpkin near the roadside invites trouble.
- Matikiti anowira vasina hari. Pumpkins abound where there are no pots.
- Mboko chena inoparira pavete nhema. A white pumpkin reveals the place where the black one is lying.
Mazwi ebantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti uluthanga (pumpkin plant; pumpkin pip or seed) vachireva munhanga. Kimbundu vanoti ritanga (n. pumpkin) kureva nhanga.
- MaZulu vanoti ubuthumbu (The seed centre of fleshy fruit or vegetable - as of paw-paw, pumpkin, etc.) vachireva pakati pemuchero pane mhodzi senhanga.
- MaZulu vanoti umthumbu (The centre or pith of a tree stem).
- VaChewa vanoti matikiti (a kind of water melon). VaNyole vanoti ehirundu (n. pumpkin patch).