Mvuu
From Wikipedia
Mvuu (Hippopotamus in English) imhuka yemusango iri pamupanda wedzinoyamwisa inowanikwa muAfrica kuChamhembe kwegwenga reSahara. Mvuu inogara chikamu chenguva mumvura chimwe chikamu padunhu. Ichitevedza nzou nenhemachena, mvuu ndiyo mhuka yechitatu pakukura kwemumhu. Mhuka iyi inofura sora nokudya miti.