Munangatire
From Wikipedia
Mutaro mutsvuku uyo munangatire wa x unonyorwa wakanzi f(x)
Muchidzidzo chemasvomhu munangatire (function in English Mathematics) hukama huripo pakati pemapoka maviri anonzi nhutirwa nenhururwa - inputs and outputs. Nhutirwa imwe neimwe inenge ichidyidzana nenhururwa imwe yoga.
Somuenzaniso munangatire unopa hukama pakati pa x neskweya yacho x2. Zvinoturuka kana kubuda kubva pamunangatire f zvichipindirana nenhutirwa x zvinotaridzwa nekunyora kunoti f(x) - (inoverengwa ichinzi "f munangatire wa x"). Pamuenzaniso uri pano, kana nhutirwa ari −3, nhururwa ichava 9, izvi zvigonyorwa zvichinzi f(−3) = 9.
Kupiwa kwezita [chinja]
Shoko rokuti munangatire rakasarudzwa nokuti nhutirwa imwe inonangana nenhururwa imwe panopangidzwa hukama huripo pakati pa X na Y.
- Pano X iZengeya rakasununguka (independent variable); f(x) Zengeya rakasungwa (dependent variable).