Mubatanidzwa weNyika Pasirose

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Sangano reMubatanidzwa weNyika Pasirose (nechirungu United Nations) (MNP-UN) isangano rinokotsvanidza nyika dziri pasirose; sangano iri rakaumbwa mugore 1945 zvichitevera kupera kweHondo yePasirose yeChipiri. Sangano iri rine zvinangwa zvina zvinoti:

  • Kukurudzira kuwadzana pakati pemarudzi nenyika pasirose.
  • Kubatsira marudzi nenyika kushanda pamwechete nechinangwa chokupedza: hurombo; nzara; zvirwere; nekusadzidza, uye kururudzira kuremekedzana pakati pemarudzi nevanhu panhau dzine chokuita nekodzero dzevanhu nerusununguko rwevanhu.
  • Kuva muzinda unoringanisa nokuyananisa mabasa anoitwa nemarudzi nenyika kuti vakunde pazvinangwa zviri pamusoro izvi.


Muzinda weUnited Nations uri kuNew York, United States of America.