Kupura (Threshing in English) inzira inoshandiswa kupatsanura tsanga dzezvirimwa kubva kumuguri, kana kubva kumwonzora wacho unotakura tsanga. Kupura idanho rinoitwa kana zvirimwa zvakohwehwa mushure mokunge zvaoama, uye danho iri rinotangira kuwurutsa mbeu.