Ketanyika

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Great Dyke, Zimbabwe ichitariswa kubva mudenga. Nzvimbo iyi ine simbi, chrome nickel, platinum

Ketanyika (Geology in English) chidzidzo chinotarisa kuwumbwa kwakaitwa nyika yevhu yatinotsika, matombo ari pairi, nokuchembera kwayo nyika. Chidzidzo ichi chakakosha pakuwanikwa kunoitwa muchegwa une simbi, mafuta emuchovha, nekuwana mvura iri muvhu.


Shoko rokuti kuketa ishoko reslang yeChiShona rinoreva zvinosanganisira: kuziva, kuona, kuva nenjere, kuyeuka chawakamboona, kupatsanura, kuronga, zvichingodaro. Shoko rokuti kuketa ndiro riri pedyo kuturikira chivakashure chokuti -logy chinoshandiswa kuEnglish mumazwi anenge gynaecology, geology, biology. Saka Ketanyika ibazi reruzivo pamusoro penyika kuwumbwa kwayakaitwa, matombo ari pairi, nekugadzikana kwehwendefa dziri pairi.