Hwembwa (bonde)
From Wikipedia
Hwembwa mumwe wemisambo paBonde unoitwa murume nemukadzi vakatarira divi rimwe.
- Kuita hwemba zvinoreva musambo wekunge mudzimai akagwadama nemabvi nemagokora besu rake riri mudenga, dundundu nechiso zviri pasi.
- Kana zvadai nhengo yesikarudzi yemudzimai inenge ichiwonekwa nepakati pezvidya kumashure.
- Murume anouya nekumashure kwemukadzi wake, iye murume ari pamabvi ake. Zvadai vaviri vanokwanisa kuvamba mutambo nhengo dzichiita gedhi-gedhi.
Pakadai murume anenge achiona muvuri wemudzimai wake kubvira magaro, musana nemutsipa. Mawoko ake murume anokwanisa kubata nhengo dzemudzimai wake kana zvichisanganisira mazamu. Musambo uyu ungaita kunge wemusikanzwa asika mumba mevaviri vakaroorana vakafanira kuti vafadzane. Hapana musikanzwa chaiwo uripo asi mafaro anotenderwa zvitsvenetsvene.