Gwai

Kubva Wikipedia

Maita Gwai. Maita Gumbi. Mwana waGora. Maita Mukuruwambwa. Maita Goridhe redu. Vane chuma chisingaverengwi. Maita hwai yangu iyi. Ikachema kunofa dangwe. Ukaidya unopera mazino. Maita vana vaMbarure. Maita vana vaChigondo. Vakatorerwa humambo nevarozvi. Vabete hudenga mumaoko. Maita chuma. Vana Mbarure. VeHumambo. Vanodura. Maita Maita Chuma. Goridhe, Goridhe. Maita henyu Gumbi Vanobva kumubvumbi Maita zvenyu vaGwai Munotungamira mamwe makwai Mazvita vakuru vebonde Vakuru vekuisa makaoma Gora