Chizinganhare

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Nokia 5310 front.jpg

Chizinganhare (cellphone) imhando yerunhare isina waya dzakabata kwairi inoshanda nemasaisai emhando rwe "radio". Nokumwe kutaura inonzi nharembozha.

Shoko rokuti chizinganhare rinotoredzera kubva pachizinga chinogadzirirwa huchi nenyuchi chine madowo ane kuumbwa kwakaita gonyanhanhatu. Kushanda kunoita chizinganhare ndekwekuti chinotambira nokupa mashoko kunharire iri pedyo. Nharire dzinopana nokutapurirana mashoko, cellphone dzotapurirana nenharire iri pedyo.


Nharire idzi (Base Stations) dzinenge dzakawanda; nharire imwe neimwe inenge iri munharaunda yayo mainotapurirana mashoko nezvizinganhare. Nharaunda dzenharire dzakarongeka nokubatana sokurongeka nokubatana kwakaita madowo ari pachizinga chehuchi hwenyuchi. Chiumbwa chenharire chakaita gonyanhanhatu nguva zhinji; "network" yobatana sezvakaita chizinga chehuchi. Saka zita rokuti chizinganhare rasarudzwa.