Watanga seChirevo

Kubva Wikipedia

Watanga! - kutaura kune kutsiura kana kusagutsikana mutauri achiti, iwe ndinokuziva rega kuita mabasa ako aya andinokuziva kuti unosiita.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Watanga! - apa kunenge kuri kudimikira - kunoreva kuti watanga mabasa ako aya. Nguva zhinji kunenge kuchirehwa mabasa asina kururama kana asingayemurike, angava mabasa ekunyepa, ekuhura, ekuba.
  • Matanga! Atanga! Vatanga! - apa zvichireva zvimwechete nenzviri pamusoro asi pachisiyana huwandu kana huvepo hwevanhu vari kurehwa.