Mapatya

From Wikipedia
(Redirected from Vamanga)
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti mapatya rinoreva vana vaviri vakazvarwa zuva rimwechete naamai vamwechete. Nokumwe kutaura vanonzi manyaviri, manyambiri kana maambi. Mapatya vanokwanisa kunge vakafana kana vasina kufanana. Kana ari mumwe wemapatya anonzi batya kana manga.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Vatauri veNyungwe vanoti maphasa (n. twins) kureva mapatya.
  • VaChewa neVaNgala vanoti mapasa (twins), kureva mapatya.
  • VaMakua vanoti mavata (twins), kureva mapatya, kana ari mumwe voti navata.
  • VaSwahili vanoti pacha kana mapacha pahuviri (twin, one of twins).
  • VaSwahili vanoti pacha kana mapacha pahuviri (something closely resembling something else: double, counterpart).
  • VaSwahili vanoti pachapacha, pachipachi (red. adj., adv. similar, of the same nature;twinned(of rice or millet heads,etc., growing in clusters).
  • VaSwahili vanoti pachapacha (v. produce more than one plant from a single seed; grow in clusters - bananas, etc.).
  • VaSwahili vanoti pachana (ass. pachana. grow in clusters).
  • VaLugungu vanoti Nyakato (name of a female twin).
  • VaLugungu vanoti mahasa (twins) kureva mapatya.
  • Vanotaura Kikongo vanoti nximba (n. The firstborn of twins).
  • Vanotaura Kikongo vanoti nzuji (n. The second born of twins).
  • Vanotaura Kikongo vanoti omunxi kana munxi (n. Under) vachireva kutsi kana mutsi. Zvinoita sokunge vanoshandisa nxi patinoisa tsi.