Svetuka kuchirochemo

User talk:Qlc kumz

Zvirozvemo zvezanhi hazvitsigirwe mumimwe mitauro.
Wedzera nhauro
Kubva Wikipedia
Latest comment: 3 years ago by Qlc kumz in topic Barika

Roora Squad

Roora squad izita rinoshandiswa kureva shamwari dzomusikana kana dzomukomana dzinomira naye nokumutsigira pazuva rake rokuroorwa kana rokuroora.Roora squad hayaivako pasichigare,tsika iyi yakatanga chizvino zvino. Boka iri rinonzi roora squad rinowanzopfeka mbatya dzakafanana pazuva iri, uye vanotorwa mifanakiso mizhinji kwazvo. Mifanakiso iyi inozotumirwa pamapeji esocial media anosanganisira Facebook ne Instagram senzira yokushambadza wanano yavaviri ava.

Musengabere

[chinjirudza mabviro]

Musengabere imwe yenzira dzokuwanana pasichigare. Mukomana aiti kana ada musikana, aisvitsa shoko rerudo, zvisinei musikana aikwanisa kuramba kufambidzana nemukomana amupfimba uyu. Mukomana aizoshandisa nzira yemusengabere apo ainyangwira musikana uyu achibva kutsime kana kuhuni omutakura otiza naye kuti andomuvharira kumba kwavo zvisina kuwirirana nomusikana uyu.

Kazhinji kazhinji,mhuri yemukomana inenge ichiziva nezvezano remwanakomana wavo rokuroora musikana nenzira iyi, Saka vaibetseredza nekupesvedzera mwenga wavo mutsva kuti abvume kuwanikwa mumhuri yavo. Dzimwe nguva mwanasikana uyu aibatwa chibharo kuti asadzokera kumba kwavo kana kuita pfungwa dzokutiza, sokuti pasichigare akutyora gumbo ndiye aikuwana kunyangwe usingamudi.

Vabereki vemusikana vaizosiviswa nezvechiitiko ichi mushure. Sevanhu vapara mhosva, mhuri yomukomana yaitarisirwa kuripa pamwechete nekubvisa pfuma yokuroora mwenga wavo mutsva.


Qlc kumz (talk) 06:12, 24 Chikumi 2022 (UTC)Pindura

Barika

[chinjirudza mabviro]

Munhurume ainzi ane barika kana aine vakadzi vakawanda vaanogara navo panguva imwechete. Pasichigare patsika dzavaShona, tsika iyi yaive yakapararira zvikuru. Nazvino vachiriko vanhurume vanosarudza kuroora madzimai akawanda avanogara navo nekuita navo mhuri panguva imwechete. Mukadzi mukuru akatanga kuwanikwa aidaidzwa kuti vahosi. Vahosi vaipiwa nzvimbo yavo neruremekedzo rwakafanirana navo nevamwe vakadzi vaizoroorwa mushure. Mudzimai aizopedzisira kuwanikwa pabarika ainzi nyachide, uyu ndiye ainzi anodiwa zvakanyanya kudarika vamwe vakadzi vose vari pabarika iri.


Varume vaive nepfuma ndivo vaiwanzoita barika, sokuti ndivo vaikwanisa kubvisa pfuma yekuroora madzimai mazhinji uye kukwanisa kuchengeta mhuri yakakura. Dzimwe nguva barika raiitwa kana mukadzi wekutanga atadza kuzvarira murume wake vana, kana kuti azvara vanasikana chete. Pakadai, murume aitenderwa hake kuti aroore mumwe mukadzi anomuzvarira vanakomana vanozokudza dzinza rake. Qlc kumz (talk) 06:57, 24 Chikumi 2022 (UTC)Pindura