User:Rowen Meda
Mataridziko
Rowen Meda murume akabarirwa kunzvimbo ye Chiweshe mumusha wekwa Nzvimbo mugore ra 1976. Akadzidza paNzvimbo Primary 1984 kusvika 1989 ne Chaona Primary 1990. Akazodzidza pa Howard Mission 1991- 1992 ndokuzoenda pa Nzvimbo Government Secondary School 1993-1994. Baba vake ndi Aaron Gotora Meda muzukuru wa Gotora Mapondera. Rowen Meda akaita zvidzidzo zvekugadzira motokari ku Harare, Insurance, Business Adminstration, uye murimi kumusha ma Nzvimbo anorima zvirimwa zvakasiyana siyana asi kunyanya kuchengeta hove. Rowen Meda mutendi anotenda Kuna Mwari baba, Mwari mwanakomana nemweya mutsvene anonamatira kugungano re Jowani Masowe yeChishanu. Ane ma bhizimusi kumusha kuChiweshe nekudhorobha guru renyika ye Zimbabwe,Harare.