Svetuka kuchirochemo

User:Qlc kumz

Kubva Wikipedia

Kukwesha nhova

Nhova inzvimbo yakapfava inowanikwa mumusoro memwana mudiki ari pasi pezera remakumi maviri. Nhova ine mhando dzakasiyana. Pane nhova yokugotsi nenhova yepamusoro. Nhova yokugotsi inowanzovhara mushure memwedzi miviri kana mitatu kubva panozvarwa mwana. Nhova yepamusoro inotora nguva yakati rebei kuti ivhare, kubva pagore rimwechete kusvika pamakore maviri okuberekwa. Pamutauro wechirungu nhova inodaidzwa kuti fontanelle.

Nhova kana yakadzika zvaiwanzoreva kuti mwana arikurwara. Zvimwe zvairatidza urwere hwemwana kurutsa, kupisa muviri nekuperezeka. Pakadai, vana mbuya vabve zera ndivo vaidanwa kuti vakweshe mwana nhova. Vaitora munyu voushandisa kukwiza mumukanwa memwana nechokumusoro kunenge kwakachena, dzimwe nguva mwana airutsa.

Zvisinei, ongororo dzakaitwa neveutano dzinoratodza kuti kudzika kwenhova kunokonzerwa nekushaiwa mvura yakakwana mumuviri, yatinoti pachirungu dehydration. Naizvozvo vanaamai vanokuridzirwa kupa vana vavo zvinwiwa zvizhinji, zvingaita semvura yakachena yokunwa, uye mukaka waamai.