Dzikamudza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTsvikitirwa Remushonga)

Izwi rokuti dzikamudza ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi substance kuEnglish, unova mushonga usingashanduke pachiviri chawo uye pakukumbanidzwa kwemishonga. Kana pachinzi dzikamudza kureva kuti mushonga uyu haugone kupamburwa pasina kugura zvisungo zvemishonga. Nokumwe kutaura tingati substance ndiwo muro wakaumba chiro.

Kupiwa KweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti substance rinobva kuzwi reLatin rinoti substantia; izwi iri rine zvikamu zviviri zvinoti sub uye stantia. Chivakamberi sub chinoreva under. Chivakashure stantia chinoreva to stand. Tichidzokera kuChiShona, chivakashure mudza chinoreva nzvimbo iri kutsi kana pasi pechinhu; chikamu chinoti dzika chiri kubva pazwi rokuti kutsika. Izvi zvoreva kuti substance iri kuwonekwa sechiro chakatsika mudza. Pahuwandu tinenge toti madzikamudza kureva substances. Vamwe vatauri vangada kuti dzikakutsi, apa izwi rokuti kutsi kuchireva nzvimbo iri pasi kana mukati.

Mvura muenzaniso wedzikamudza dzvene; rine faniro dzisingashanduke uye rheshiyo yeoxygen nehydrogen zvisingachinje - apa hazvinei kuti mvura yacherwa murukova kana kuti yagadzirwa murabhotori. Mimwe mirimo inowanikwa iri mitsvene inosanganisira: diamond; munyu wekubikisa (Kloraidhi yeSodhiyamu); shuga negoridhe. Asi kashoma kuti dzikamudza riwanikwe uri muutsvene hwakaperera; asi hutsvene hunorehwa zvichienderana nezvikamu zvedzikamudza zviri pamushonga uri kuwongororwa.

Mitaro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti chilengo (n. substance).
  • VaMaconde vanoti chitukutuku kana vitukutuku (n. substance - what a thing is made of).