Tsvikitika

Kubva Wikipedia

Kana chinhu chichinzi chakatsvikitika (1. In good condition; in good health) zvinoreva kuti chine chimiro chakanaka chinotarisirwa pachiro cherudzi urwu. Izwi rokuti tsvikiti rinokwanisa kuzoshanda kuturikira mazwi anotodzana anoti: substance, substantial or substantiate.

  • Rugaro (state; a condition or way of being that exists at a particular time).
  • Dzvinu, svinu kana masvinu (Good i.e. having properties a thing should have; Genuine). Kana aei munhu toti musvinu.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ndashaya motokari yakanatsoti tsvikiti yandingatenga pagaraji riya - apa kureva of solid character or quality.
  • Sachigaro vakati hapana hurongwa hwakanyatsoti tsvikiti hwekuvaka chikoro - apa kureva firm, strong, confirmed
  • Hapana kwaari kushanda kwakati tsvikiti, ari kungoshandawo maricho - Apa kureva of real worth, value, or effect.
  • Hapana chakati tsvikiti chawataura pamashoko ako ose - Apa kureva of real worth, value, or effect.
  • Mapurisa havasati vawana humbowo hwakati tsvikiti panyaya iyi - Apa kureva possessing substance; having practical importance, value, or effect.

Kuumba Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chikamu chino chiri kuunganidza mashoko anoda kutodzana; vavariro yemunyori pano kutsvaga izwi rinoturikira substance.

Zvakanaka kuzivisana kuti shandisirwo iri kuitwa mazwi aya pano haiko kuChiShona chinodzidziswa muChikoro.