Mutsuwiko wemagetsi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTsuwo)

Muchidzidzo fundoyetsimba shoko rokuti mutsuwiko wemagetsi, (electrical insulator) rinoreva chiro chisingatakure magetsi chinoshandiswa kuputira waya inotakura magetsi. Kazhinji mutsuwiko wemagetsi inenge iri plastic inoputira mbereki yemagetsi. Mune dzimwe nzvimbo mutsuwiko wemagetsi unokwanisa kugadzirwa nepuranga kana ceramic. Mutsuwiko wakakosha pakuderedza njodzi dzokugwinhiwa nemagetsi.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko reEnglish rokuti insulate rinotaura zvinoreva to make into an island. Apa kutaura kuti waya yemagetsi inenge yaitwa kunge chitsuwa, magetsi asingakwanise kubuda pairi. Saka pano panzi insulation idanwe kunzi mutsuwiko kubva pazwi rokuti chitsuwa. Pakuwanda inenge ichinzi mitsuwiko yemagetsi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Insulating (verb) inenge yonzi kutsuwikira izvi zvichireva kuputira waya inotakura magetsi nemutsuwiko.
  • Material with insulation properties inenge yonzi mutsuwiko – apa kutaura zviro zvinokwanisa kushandiswa pakutsuwikira.
  • Chiro chinotakura magetsi chinonzi mbereki yemagetsi apa kureva electrical conductor.
Waya nhatu dzemagetsi imwe neimwe ine mutsuwiko wemagetsi

.

Kuumba Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichida tinokwanisa kushandisa izwi rokuti chirundu kuturikira insulator??.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mamwe mazwi ari pedyo nekuti mutsuwiko atingafananidze nayo, sokuti: chitimiko, mudzindiko, murumiko, mudzamiko.

  • Ko kusvuura kana kusvuwura (remove bast fibre from bark) zvichireva kukwatanura rwodzi kubva pagwande.