Tsamba yechipiri kuVakorinde
<<<< Tsamba kuVakorinde I | >>>> Tsamba kuVagaratiya |
---|
Tsamba ya Paurosi kuVakorinde ye Chipiri (kana Tsambandari kuVakorinde yechipiri., pushoma: Vakorendi 2) chikamu chetsamba dzakanyorwa naMutume Paurosi kukereke ye Chikristu muKorinde, guta Vugiriki yekare. Itsamba rechipiri raPaurosi pamaviri aakanyora, uye chikamu cheTestamende Ritsva reBhaibheri. Rine zvitsauko guminetatu.
Chikamu chetsamba dzeguminetatu (tsambandari[C 1]) dzakanyorwa naPaurosi, uye in'wadhi rechisere muTestamende reItsva, uye remakumimana-nenomwe muBhaibheri rese. Rinoenderera mberi nezveyanano ya Paurosi nevatendi vekukereke yeChikorinde uye inoringa nezvendaba dzeutangamiriri, kutambura ne kukura muHukristu.
Zvinofungirwa kuti Mutume Paurosi akanyora tsamba yipiri kuVakorinde muna 55-57 A.D., uye nechidirochikuru zvinogona aive kuMasedhoniya. Akarinyora mushure meyanano yakakoneka nekereke yeKorinde, mukutevera tsamba yake yekutanga. Tsamba yechipiri yakanyorwa senzira yekuvakidza rugondekano katsva, kukurudzira vatendi, uye kupindura tsoropodzo yehutume hwake. Pamusoropezvo, aitaura nezvemufambo weChikristu wekufamba mumutsa waShe kwete simba remunhu.
Madingindira Makuru eTsamba yeChipiri kuVaKorinde:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Ushumiri hwechokwadi – utungamiriri hunobva mukushumira, kwete mukuzvirumbidza
- Simba mukusava nesimba – simba raMwari rinoratidzwa zvakakwana patinenge tichishaya simba
- Kuwirirana/Kuyananiswa – nevanhu, uye naMwari
- Kupira nemoyo murefu – nyasha dzokupa kubva pamoyo
- Kudzivirira hutumwa hwaPauro – kusimbisa kudanwa kwake pasinei nekushoropodzwa
Kukosha kwaro nhasi uno
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Inokurudzira vatungamiriri kugamuchira kusava nesimba uye kuva vakatendeseka. Inopa nyaradzo kune vatendi vanotambura kana vanonzwa kusava nesimba. Inotidzidzisa kushumira nehutungamiriri hunobva pamoyo, kwete mukufadza vanhu. Inoratidza unyoro, kukanganwirana, uye kugadzirisa ukama muungano
Zveruzivo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ tsambandari, tsambahuru., kureva epistle