Tsamba kuVagaratiya
<<<< Vakorinde II | >>>> Tsamba kuVaefesi |
---|
Tsamba kuVagaratiya (nerimwe zita Tsambandari kuVagaratiya., paushoma: Vagaratiya) in'wadhi rechipfumbamwe muTestamende Ritsva rine zvitsauko zvitanhatu. Itsamba yakanyorwa naMutume Paurosi kuvatendi vekwekutanga munhaurando dze Ukristu muGaratiya. Vanyafundi vakakarakadza kuti raigona kunge raive dunhu reUrhoma reGaratiya kuchamhembeni cheAnatoriya, kana kuti chisi chakatsanangurwa neVagaratiya, boka reruchava rwevanhu vechiSeriti muAnatoriya yepakati. Tsamba iyi yainge yakanyorwa muChigiriki-koine garegare ikazoshandurudzwa kuiswa mumimwe mitauro.
Tsamba iyi inoringa nezvechishupikano chikuru chakaitika mumakereke ekutanga eVakristu vechiJenthiri ne Mitemo ye Chimhoze. Paurosi anowunza pamberi ndaba yezvekuti Vajenthiri havana chidingo chetevedzera mutemo weChimhoze, kunyanyisa zvekuchecheudza, sekuratidza kuti varipakati pechikamu cheimba ya Mwari zvechokwadi. Anosimbisisa kuti kugonda munaJesu Kristu ndiyonzira yekururamiswa, uye mutemo wakaiswa sechitungamidzo chekuuya kunaKristu.
Dindingira ne Shomodzo huru
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kururamiswa ne regondekano - kureva kuti vanhu vanoruramiswa nekutenda munaMwari, kwete nezviito zvavo zvepamutemo.
- Rusununguko munaKristu - vatendi havachava varanda vepamutemo kasi vave vakasunungurwa muMweya.
- Mubatanidzwana wemuMweya - Paurosi anosimbisisa kuti vanhuvose vamwechete munaKristu - Vajudha ne Vajenthiri.
- Michero yemuMweya - hupenyu hweChrikristu hwunoratidzika nerudo, mufaro, rugare, ne mimwe michero yepamweya (VaGaratiya 5:22-23).
Mamiro etsamba
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chitsauko chi1 ku chi2 - Paurosi anorwira hutume hwake uye anoudza nyaya yake pamwe nevamwe vatume
- Chitsauko chi3 ku chi4 - Kudzidzisa zvemutemo, mutsa ne chivimbiso cha Abarahama
- Chitsauko chi5 ku chi6 - Mirairidzo yekurarama neMweya ne kudisana kwevanhu
Kukosha zvedzidzo nhasi uno
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zvidziso zvaPaurosi zvinosasa nezvendaba dzakakosha zvekuti kununurwa kunouya nemutsa wekutenda, kwete simba remunhu pachake kana tsika. Mukunyora anokurudzira vatendi kuti vararme murusununguko muMweya kwete zvepamutemo, uye anosimbisa kuti kukura kwemumweya, rudo ne mutoro wamina wekutakura. Pamusoro pezvo, zvinyorwa zvemun'wadhi'ri rinobetsera Vakristu kunzwisisa basa remutsa muKereke uye muhupenyu pamazuva ose.
Zvakazarura uye Ufungisiso
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mun'wadhi re Vagaratiya ndimomunowanikwa zvidzidzo zvinosanganisa zvepanyama nezveMweya Mutsvene.
Vagaratiya 5:18-21 (zvinowanikwa nokuvapanyama)
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
Vagaratiya 5: 22-26 (zvinowanikwa nokuvamuMweya)
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya. Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.