Svetuka kuchirochemo

Tsamba kuVafiripa

Kubva Wikipedia
<<<< Vaefesi >>>> Vakorosi

Tsamba kuVafiripa (nerimwe zita Tsambandari kuVafiripa., paushoma: Vafiripa) ndeimwe tsamba pakati pedziguminetatu dzakanyorwa na Mutume Paurosi muTestamende Ritsva. Itsamba (tsambandari[C 1]) yakanyorerwa Vakristu venharaunda rechiFiripa, chikoloni chechiRhoma chaive muMasedhoniya. Zvisinei nekuti yakanyorwa naPaurosi ari muchitirongo, rizere nerufaro, rukurudziro nerutendo. In'wadhi rechiguminerimwe muTestamende Itsva uye remakumimashanu muBhaibheri rose. Rine zvitsauko zvina.

Tsamba iyi yakanyorwa munguva yepakati pe60-62 A.D, munguva yekusungwa kwaParuosi kuRhoma, aive nechidaka chekutenda Vafiripa nezverupo ne rutsigiro rwavo. Aivakurudzira kuramba vaine rudakaro, vakabatana uye vakatendekana kunaKristu zvisinei nekuoma kwezviro. Kuvakudza nezvekutevera kuzvininipisa uye mashandiravamwe/madubvudzo mukutungamira, uye nekuvanyowedza nezvevafundisi venhema nemharadzaniswa.

Izvo zvikonzero zvekuinyora zvichine basa muzviitiko zveupenyu uye mukufamba naKristu murazvino.

Zvidzupuramanzwi

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chitsauko chi-1, ndima dzechi 3-6

Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.

Ndima dzezvemaitiro aJesu, kufundiswa kuzvininipiswa saJehovha, chitsauko chichipiri ndima yechishanu kusvika kuguminerimwe (2:5-11).

kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.

Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.

Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,kuti Mwari Baba vakudzwe.

Kushingaira kuenda mberi, 3:12-14

Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.

Kusimbiswa naJehovha, 4:12-13

Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

  1. tsambandari., tsambahuru., kureva epistle kuchishona, shoko rokuti ndari rinobva kumimwe mitauro yechibantu into 'ndari' kureva taru - sokuti kutaruka.