Svetuka kuchirochemo

Sharleen Makusha

Kubva Wikipedia
Sharleen Makusha
Horokodzwa yake:
Kuzvarwa: 28 Zvita 1997
Zera: makumimaviri-nenomwe
Hurefu: 1.70 m (5 ft 7 in)
Usevenzi: mutambi wenetibhora
Usevenzi:
Nzvimbo: murindachiwiro
Makore: Maklabhu ezvikawata:
Platinum Queens

Sharleen Makusha (akazvarwa musi wa28 Zvita 1997) mutambi wenetibhora wechiZimbabwe anotambira nyika ye Zimbabwe zvepachidhidhizha uye anotamba samurindachiwiro[C 1] (goal keeper).

Hupenyu hwekutanga

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Makusha akazvarwa mugore ra1997, uye pakutanga aitarisira zvenhabvu. Zvisinei nezvo, chinyanzvi ne hurefu hwake hwakabata ziso rechiongororo rwa kochi wenetibhora Simbarashe Mlambo. Makusha akawana chikurudziro chevabereki vake pamusaka pezvechitarisiro chitsva chake paakawana skorashipi yekuenda kuChikoro chePamushana Mission kuMasvingo kwaakadzokoredza makore maviri echikoro uye nekusimbisa chinyanzvi chake chenetibhora.

Muna2018, aive pakati pevatambi vechidhidhizha vepasipezera remakumimaviri-nerimwe vakaenda kunotamba kuMukombe wePasirose kuVutswana.

Muna2018, aitambira voPlatinum Queens kuZvishavane nemumweni mutambi wechikwata chechidhidhizha Progress Moyo. Makusha akasarudzwa pamwechete nevamwe vatambi vekare vepasipezera remakumimaviri-nerimwe Claris Kwaramba na Sharon Bwanali kutamba muMukombe weNetibhora wePasirose wa2019. Hurefu hwake hwakakonzera hurukuro paainge ari chikamu cheboka reZimbabwe rakapedza pachinzvimbo chisere panguva ye Mukombe weNetibhora wePasirose wa2019, pakamakwa munhoroondo senguva yekutanga yekuwanikwa kweZimbabwe mutonamende reMukombe weNetibhora wePasirose.

Akasanganiswa muboka reZimbabwe Gems kutamba muMachambiyonishipi eNetibhora eAfurika a2019.

  1. murindachiwiro., kureva goal keeper muzvinzvimbo zvevatambi venetibhora