Svetuka kuchirochemo

Samanga

Kubva Wikipedia

Samanga izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe. Manga zvinoreva mapatya, saka Samanga zvoreva munhu ane vana mapatya.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Baila vanoti manga (n. twins) vachireva mapatya.
  • Baila vanoti bwanga kana manga pakuwanda (n. kindness) vachireva gwango kana mutsa.
  • Vatauri veSwahili vanoti manga kana pilipili (Pepper) kureva mhiripiri.
  • Mururimi rweKikongo vanoti manga (pl. sting, venom).
  • VaDigo vanoti manga (n. cassava) vachireva mufarinya.