Samaita Mutasa

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Nhetembo Yevanhu Vanoera Mbizi Vana Samaita Tembo

Maita, Samaita,
Maita, Mutasa,
Maita, Mbizi,
Maita, Tembo yangu yiyi.
Hekani, Matendera;

Ngwere;
Nzuma isina nyanga;

Zvaitwa, Mbizi;
Zvaitwa, Chivara;

Nzuma yerenje;

Hekani, Tembo;

Mashongera;
Manjenjenje;
Ganda revasikana;
Pasweziso, mombe yomuchena;
Chinakiramatondo;
Maruki;
Musimira;
Mapfaravara,
Matungachuma;
Mbaravazi;
Manyere-nyere;
Nyora dzenhurura;
Mazambacheka;
Mangarivari;
Matoyameso.

Kuziva zvayo, Mbizi

Yakashonga mikonde sevakadzi;
Mhuka isina ukasha kana hundwa;
Rudzi rune mutupo usina kwausiri;
Dandenakutanda;
Vene vepasi.
maita vincho baba vevanhu

mania ndiwo mutupo
aiwa maita baba muchauya

Mamwe Magwaro Anechokuita Nenhetembo Yokutenda Vana Samaita Mbizi[chinja | edit source]

Nhetembo iyi ivandudzo yenhetembo yakatogwa kubva mugwaro iri rakanyogwa naVaKahari apo vaive godobori uye mudzidzisi mukuru wezve mitauro yemarudzi emuAfurika pachikoro chikuru chedzidzo dzemberi-mberi cheYunivhesiti yeZimbabwe:

Kahari G P (1984), Cultural Identity and Cross-Cultural Communication: Problems of Translation, Zambezia, 1984-5, Volume XII, pp. 55 - 73