Runhare

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Runhare rwemhando Olivetti 1940s

Runhare muchina unoshandiswa kuti vanhu vataure vose vari kure nekure; muchina uyu unofambisa mashoko semagetsi kubudikidza newaya. Runhare rwokutanga rwakagadzirwa nemurume ainzi Graham Bell kunyika yeUnited States of America mumakore emwaka wechikumi 1870.

Pari nhasi runhare rwava muchina wakakoshesa pakufambiswa kwemashoko pakati pedzimba, makambani, mabhizimisi naimo muhushangazhi. Kwave nemhando yerunhare isangashandisi waya asi inoshandisa masaisai inonzi chizinganhare kana kuti cell phone kuEnglish.

Makambani anoita zverunhare muZimbabwe anosanganisira: Telone, Econet, Telecel neNetone.