Rugetseruko

From Wikipedia
(Redirected from Rugetsenuro)
Jump to navigation Jump to search

Rugetseruko (Electrolysis in English) chiitiko chinoshandiswa kupfutunura nhonda dzakabatana kuti dzipatsanurwe kuchishandiswa magetsi. Apa madeva anenge ari mumunyungu unopereka magetsi unonzi getserukwa. Chiitiko ichi chinoshandiswa paSable Chemicals kuKwekwe apo vanoshandisa magetsi kupatsanura oxygen ne hydrogen anova magasi anogadzira mvura.

Izwi rokuti Nhonda riri kuturikira chinonzi ions kuEnglish iro richidudza kuti I go or that which goes. KuChiShona patorwa izwi rokuti deva rinodudza kutevera, to follow - sokuti Makanaka akati nonda nenzira yekurukova - Makanaka followed the path to the river. Nhonda dzinokwezvewa kudivi rimwe renyere zvichienderana nechaji iri kudivi iroro. Manondamhangu (anions) ane chaji yakapokama anokwezverwa kumwanzabangu une hugonga hwakadara - positive polarity. Manondamhungu (cations) ane chaji yakaterama anokwezverwa kumwanzamhungu une hugonga hwaradada - negative polarity.

Kupiwa Kwezita[chinja | edit source]

Izwi rokuti rugetseruko rakaumbwa richitodzaniswa nemazwi anoti: kutsvukuruka, kusvipuruka kana kucheneruka.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Zvakanaka kuti tipe mashoko anorerutsa kuzotaura zvidzidzo izvi tichipfuurira mberi.

Tarisai chinyorwa chinonzi Nyere yaGalvani.