Chiringanhara

From Wikipedia
(Redirected from Rufanabande)
Jump to navigation Jump to search

Pachinyorwa chino izwi rokuti chiringanhara riri kuturikira chinonzi isotope kuEnglish. Zviringanhara inhanngande dzine nhamba yemhodzigetsi yakaenzana asi dzine nhamba yehuremu yakasiyana zvichibva pakusiyana kwenhamba yema neutron. Sokuti carbon-12 neCarbon-14 inhangande dzine mhodzigetsi 6; asi dzinozosiyana pakuti Carbon-14 ine ma neutron 8, Carbon-12 yoita ma neutron 6. Zviringanhara zvinowanikwa munhara imwechete paPeriodic Table.

Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Izwi reEnglish rokuti isotope rakaumbwa nezvikamu zvviri zvinoti iso (equal, same) kureva zvakaenzana - chikamu chepiri chinoti tope (place) chinoreva nzvimbo - apa zvichirevera mipanda yepa Periodic Table.

Izwi rokuti zviringanhara riri kududza kuti nhangande mbiri dziri kurehwa dzinowanikwa munhara imwe paChapotera cheNhangande. Zviringanhara zvakaenzana panhamba yeAtomu, asi nhamba dzehuremu dzinosiyana. Yureniyamu ine Zviringanhara zvinoranzukira, zvimwechete neSizinyamu inodarowo.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • MaZulu vanoti linga (be equal) zvichireva kuenzana. fananidzai nokuti kuringana.
  • VaChewa vanoti linganika (to be equal), kureva kuenzana. VaChewa vanoti linganiza (to make the same; to be equal; to make smooth; level), kureva kuenzana.
  • VaTonga vanoti mutala (beyond). VaGwere vanoti mutala (n. locality; local area) vachireva nharaunda. VaRwanda vanoti intare (region, area) kureva dunhu.