Marudzi eChivare

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRudzivare)

Mazwi okuti Marudzi eChivare ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi indigenous tribe or peoples kuEnglish, apa kuchirehwa vanhu vemarudzi akatanga kugara munyika dzavagere iko zvino. Ava vanhu ndivo vane matateguru vakavamba kutema ruvara munyika, vakava ndivo ana banguranyika vekatangidzira munyika idzi. Somuenzaniso vanhu vatema ndivo marudzi echivare munyika zhinji dzeAfrica.

Mazwi rokuti chivare rinoreva chinhu, chisakamboitwa chiri kuitwa kekutanga. Izwi rinotaura chiito (verb) nderinoti kuvarura kana kuparura. Saka Rudzi rweChivare zvoreva rudzi rwakavamba kugara munzvimbo isati yambogarwa nemamwe marudzi - apa tichitarisa nhoroondo ine humbowo hunozivikanwa chete.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Aya mazwi haashandiswe mukutaura kweVaShona pari zvino, anyorwa pano nechinangwa chokuedza kuumba mutauro chete. Kana kuchizowanikwa mazwi ari nani aya mazwi achabviswa. Vamwe vatauri vangada kuti mwana wevhu, vana vevhu kana vene venyika.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGwere vanoti buzaaliranwa (indigenousness) vachireva kuva chizvarwa chepo.