Rubanzura Shomwe

Kubva Wikipedia

Rubanzura Shomwe (Nuclear fission) zvinoreva kubvurunuka (disintegration or decay) kwesusomo hwehatomu apo usomo hunotsemuka kuzvikamu zvidiki kana kuti shomwe dzakareruka. Kubanzuka kwehatomu kunoburitsa maneutron nemaphoton uye simba rakawanda zvichiyenzaniswa nemwero wekubvurunuka kwezvemirazvo (radioactive decay).

Kubvurunuka kweshomwe dzenhangande dzinorema kwakacherechedzwa kekutanga mugore 1938 naOtto Hahn achishanda nemubatsiri wake Fritz Strassmann. Vakazotsanangura chiitiko ichi ndiLise Meitner aine hama yake Otto Robert Frisch. Frisch ndiye akatumidza zita rokuti kubvurunuka achifananidza nezvinoitika nemasera anorarama. Kubvurunuka kweusomo imhando yerupinguro runoteura madziya (exorthermic reaction) nokuti panotetsurwa simba rakawanda richioneka sesimba renhekairo uye miranzi yehugetsimagineti.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]