Ruambamuta

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRonzamuviri)

Ruambamuta (Chirungu: physiology) chidzidzo chakanangana nekududzira mashandiro akarungama muzvinhu zvipenyu. Apa chinangwa ndechekuziva kuti mhuka kana dzinde rine hutano hwakanaka rinofanirwa kunge richishanda sei. Chidzidzo ichi chiri pasi pebazi reronzamhenyu. Chinowongorora nokucherechedza: muviri; nhengo dzemuviri; madandira enhengo; zvizinga uye mishonga-mhenyu irimo mumiviri, zvose izvi zvichiita mibisho nemishonga uye yemabasa makukutu anoitwa nemuviri. Chidzidzo ichi chine zvikamu zvinoti: Ruambamuta wemhuka; Ruambamuta rwemadzinde; Ruambamuta rwemado; Ruambamuta rwetupukanana; Ruambamuta rwebhakitiriya; Ruambamuta rwevhairasi.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chivakashure ruamba chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi logy chinowanikwa kuEnglish mumazwi anodudza zvidzidzo zvnoti: biology, geology, physiology etc.
  • Cherechedzai kutodzana kwemazwi anotevera: kukwara, gwaro; gwaronhau. Murangariro mumwe wakatevedzwa zvichibva pakuti kuamba kana kuyamba, ambo kana yambo kusvika pakuumba Ruambamuta.
  • Physiologist rinenge roturikirwa kunzi chiyambamuta. Chikamu chekuti muta chiri kubva kumutauro weChikongo unoti ta kureva muviri.
  • Physiology - The biological study of the functions of living organisms and their parts.
  • Chivakashure physio- chinodudzwa kunzi of or relating to nature or natural functions.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti muyambo (traditional stories and teachings, customs of a people).
  • VaVenda vanoti luambo (n. language) kureva mutauro. Mamwe mazwi: amba (v. talk).
  • VaVenda vanoti muta kana mita (n. family) kureva mhuri. VaVenda vanoti divhamuvhili (n. Physiology).
  • VaKongo vanoti ta (n. body) vachireva muviri.