RChimbwamupengo

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Rabies
Tsanangudzo uye kumwe kunowanika mashoko
Imbwa ine chimbwamupengo
Imbwa ine chimbwamupengo
ICD/CIM-10A82 A82
MedlinePlus001334

RChimbwamupengo chirwere chinokonzerwa neviral chinokonzera kuzvimba kweuropi muvanhu nemudzimwe mhuka dzinodziya ropa nekuyamwisa vana vadzo. warm-blooded.[1] Zviratidziro zvechirwere zvinosanganisira kupisa muviri nekuava panzvimbo panenge parumwa nembwa ine chimbwamupengo. [1] Zviratidziro izvi zvinoteverwa nezvimwe zvakafanan a ne kufamba kune hasha, kunzwa manyukunyuku asingagoni kumiswa nechido chemunhu wacho, kutya mvura, nekusakwanisa kufambisa dzimwe nhengo dzzemuviri kupesana pfungwa, ne kusaziva zviri kuitika munharaunda.[1] Kana zviratidziro zvangoonekwa, chimbwamupengio chinowanzotungamira kurufu. [1] Nguva kubvira kubatira chirwere kusvika kuratidira kwezviratidziro ingangova pakati pemazuva mashoma kusvikira gore. Zvisinei, nguva iyi inotora kubva pakufamba kwevirus mumuviri kusvika parinosvika muuropi.[1] central nervous system.[2]

Chimbwamupengo chinotapurirwa kuvanhu kubva kudzimwe mhukaIzvi zvinoitika kana imhuka ine chimbwamupengo yakenga kana kuruma imwe kana kuti munhu.[1] Mate emhuka ine chimbwamupengo anogonawo kutapurira chirwere. Kana mate aya asangana ne mucous membranes eiimwe mhuka kana munhu .[1] Chimbwamupengo muvanhu chinonyanya kutapurirwa kubva mukurumwa nembwa.[1] Chikamu 99% chechimbwamupengo munyika dzine imbwa dzine chirwere ichi chinokenzerwa nekurumwa nembwa.[3] Mu nyika dzeAmerika Americas, zviremwaremwa ndizvo zvinonyanya kukonzer chimbwamupengo muvanhu, uye chidimbu chiri pasi pe 5% chechimbwamupengo muvanhu chinokonzerwa nembwa.[1][3] Mhuka dzakaita semakonzo hadzinyanyobatira chimbwamupengo.[3] Virus rechimbwamupengo rabies virus rinofamba kusvika kuuropi kupuurikidza nemu peripheral nerves. Chirwere ichi chinogona chete kuwanikidzwa mushure mekubudda kwezviratidziro zvechirwere.[1]

Kuchengetedza mhuka nekudzibaya majekiseni kunobatsira kuderedza uwandu hwevanhu vanobawa nechimbwamupengo munyika dzakawanda..[1] Kubaya vanhu nhomba dzinosimbisa muviri kuti ukwanise kurwisa chirwere (immunising) vasati vabatira chirwere kunokurudzirwa kuvanhu vane njodzi yekungobatwa nechirwere ichi. Ava vanhu vakaita sevanoshanda nezviremwaremwa, kana kuti vanoshanda munzvimbo dzine chimbwamupengo.[1] Avo vanenge vasangana nechirwere ichi rabies vaccine uye dzimwe nguvaimmunoglobulin inzira dzakanaka dzekudzivirira chirwere kana apihwa zviratidziro zvisati zvabuda.[1] Kugeza maronda nemagengwa kwemaminitsi 15 nemvura nesipo povidone iodine, kana detergent zvinogona kuuraya virus ndedzimwe nzira dzinoshanda kudzivirira chimbwamupengo.[1] Vanhu vashoma chete vakakwanisa kurarama mushure mekubatira chirwere chechimbwamupengo, uye chete vapihwa chengetedzo yakasimba muchipatra, inonzi Milwaukee protocol.[4]

Chimbwamupengo chinokonzera kufa kwevanhu 26,000 kusvika 55,000 pasi rose pagore.[1][5] Chidimbu chinopfuura 95% chendufu is=dzi chinowanikwa mu Asia nemu Africa.[1] Chimbwamupengo chiri munyika dzinopfuura 150 countries uye mumacontinents ese enyika, kusiya Antarctica.[1] vanhu vanopfuura 3 billion vanogara munzvimbo dzine chimbwamupengo.[1] Munyika dzakawanda dze Europe neAustralia, chimbwamupengo chinowanikwa chete muzviremwaremwa.[6] Vanhu vemuzvitsuva zvidiki zvizhinji Havana kana chimbwamupengo.[7]

References[chinja | edit source]

  1. 1.00 1.01 1.02 1.03 1.04 1.05 1.06 1.07 1.08 1.09 1.10 1.11 1.12 1.13 1.14 1.15 1.16 1.17 "Rabies Fact Sheet N°99". World Health Organization. July 2013. Retrieved 28 February 2014. 
  2. Cotran RS, Kumar V, Fausto N (2005). Robbins and Cotran Pathologic Basis of Disease (7th ed.). Elsevier/Saunders. p. 1375. ISBN 0-7216-0187-1. 
  3. 3.0 3.1 3.2 Tintinalli, Judith E. (2010). Emergency Medicine: A Comprehensive Study Guide (Emergency Medicine (Tintinalli)). McGraw-Hill. pp. Chapter 152. ISBN 0-07-148480-9. 
  4. Hemachudha T, Ugolini G, Wacharapluesadee S, Sungkarat W, Shuangshoti S, Laothamatas J (May 2013). "Human rabies: neuropathogenesis, diagnosis, and management.". Lancet neurology 12 (5): 498–513. PMID 23602163. doi:10.1016/s1474-4422(13)70038-3. 
  5. Lozano R, Naghavi M, Foreman K, Lim S, Shibuya K, Aboyans V, Abraham J, Adair T, Aggarwal R, et al. (Dec 15, 2012). "Global and regional mortality from 235 causes of death for 20 age groups in 1990 and 2010: a systematic analysis for the Global Burden of Disease Study 2010.". Lancet 380 (9859): 2095–128. PMID 23245604. doi:10.1016/S0140-6736(12)61728-0. 
  6. "Presence / absence of rabies in 2007". World Health Organization. 2007. Retrieved 1 March 2014. 
  7. "Rabies-Free Countries and Political Units". CDC. Retrieved 1 March 2014.