Mombe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNzuma)

Mombe kana maluva (Chingezi: cattle) imhuka inopfuwiiwa pamusha. Mombe dzinochengeterwa nyama, kurima, kutakura mutoro, mukaka, dehwe nezvimwewo. Dehwe ren'ombe rinokakiswa ngoma, rinorukiswa makashu kana kuwaridzwa pokugara. Kareko raigadziriswa sengende dzokusengesa zviyo kana nyama. Mombe inokwanisa kumiririra mutupo semuyenzaniso watinoona pa mutupo wevaera Gumbo - vanoshandisa remombe semucherechedzo wemutupo wavo. Vaera Gumbo vari vanhurume vanokwanisa kudaidzwa vachinji mombe kana kuti rufura kana kuti madyirapazhe.

MuZimbabwe nemuAfurika yose n'ombe ndibwo vufumi hwunokosheswa zvakanyanya zvikuru kunyanya kumaruwa. Mombe dzinoshandiswa pakuripa roora uye pamabiko nezvirango zvakasiyana-siyana. Mugore ra 2008 vanhu vazhinji vomuZimbabwe vakashandisa n'ombe semari pakutenga midziyo napakuripa ngava dzakasiyana-siyana kushonganisira dzidzo kuzvikoro. Vazhinji ndivo vakatenga nharembozha dzavo nen'ombe.

MuZimbabwe mune mhando dzemombe dzinoti: Hard Mashona; Ntuli; Afrikander; Jersey; Friesland; Hereford nedzimwewo. N'ombe dzinowanikwa muruvara ruchena, rushava, rupfumbu, rutema kana gwesadzaremhunga kuchitivo dzimwe dzinoita makwanda.

Vandau vanoti mwombe.

Mupanda (a way of grouping shona words)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Inzwi rekuti (mombe) rinowanikwa mumupanda 9 ne 10(the word mombe is found in mupanda 9 ne 10) nekuti mupanda 10 unotsanangura mhuka uyezve izwi iri riniwanikwa mumupanda uyuzve nekuti rine sungawirirano -dzi( i.e kana mombe iri iri imwe chete tinoti mombe iyi kana dzawanda tinoti mombe idzi) uyezve enderano yeuwandu neushoma.

Kuziva Mombe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwana wemombe unonzi mhuru.
  • Mombe kana dzawanda dzinonzi n'ombe
  • Mufudzi, mujombo kana murisi (herdsman).
  • Mombe ine nyanga dzataririsa pasi dzinozunguzika inonzi ngwere.
  • Mombe isina nyanga inonzi njuma/nzuma
  • Horeka (Beast (mombe) with horns curved like those of a buffalo) apa kureva mombe ine nyanga dzakakombamira mukati sedzenyati. Nehoreka rikagova zita remunhu.
  • Mombe isina nyanga inonzi dhube, njuma, nzuma kana dzunzu. Polled livestock kuEnglish.
  • Tsiru, shopwa kana mhorombe imombe hadzi isati yabereka.
  • Mhou imombe hadzi yakambobereka.
  • Mombe ine mimba inonzi ine zamu kana kuti ine bere.
  • Nzombe, gwaimani kana kuti dhonza imombe hono yakapingudzwa kuti ikwanise kushanda basa rekurima. KuChiNdau vanoti kabi; kuKalanga voti ngabe.
  • Bhuru, handira, hando kana kuti ngunzi imomberume isina kuchekwa inokwanisa kuberekesa.
  • Mhandamba (Cow or ox with wide-spreading horns) apa kureva mombe ine nyanga dzakapandambara kana kutambarara kuenda kumativi ekunze.
  • Ramba in'ombe hadzi isingabereki.
  • Han'a imombe honho inofungiudzigwa kuti haigoni kuberesa.
  • Dore imombe yakwegurisa.
  • Mombe inotumika kwazvo pakurima ichiwanzosungwa mberi kurutivi gwerudyi inonzi forosi. Haiwanzorohwi netyava pakuchaira, inongovudzwa nemheterwa, muridzo kana izwi chairo remunhu anenge achirima nayo.
  • Mhandamatsipa (act of pushing neck e.g. bull pushing opponent by neck) zvichireva kusairana nemutsipa kwemombe dziri kutungana.
  • Gokoro (Place where both slat and water are sought by animals) apa kureva nzvimbo inowanikwa mvura panevhu rine munyu.
  • Mukaro (nose rope, ridge)
  • Musasa kana sasa (a troop of cattle) danga remombe zhinji dziri.
  • Joki
  • Chikeyi

Kusunura[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kusunura kana kudzuna (to castrate) zvinoreva kucheka machende emhuka hono kuti isakwanisa kubereka. Mombe nembwa dzinosunurwa kuti dzirege kubereka. Mombe kana ichinge yakusunurwa kana kuti kuchekwa inonzi dhonza, ngavi kana kuti jong'osi. Mhuka dzinosunurwa senzira yokusarudza handira dzine rudzi rwakanaka.

Ndove[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsvina yemombe inonzi ndove inoshandiswa kuita manyowa anowarikwa mumunda. Vamwe vanoti zviya kana yawoma vanoipisa muchoto vachibika mudzimba.

  • Dembwe chiro chinenge madzihwa chinoonekwa mundove yemombe. Dembwe rinoonekwawo mutsvina yemunhu.

Zvimwevo pamusoro pen'ombe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana mombe dzakaungana dzakawanda zvakanyanya boka remombe iri rinonzi gumbi. Vamwe vatauri vanoti fanzwa.
  • Chitsamatore izita remhuri rinopiwa uyo anopingudza mombe dzava matore dzachembera. Pano kutsa (breaking, taming, training an animal) zvinoreva kupingudza kuti mombe ikwanise kushandika nayo isinga pengereke.
  • Kuhwihwinya (to shine, glitter, glisten - especially of ox in good health).

Zvinoshandika neMombe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mombe yokuronzerwa, Igama (unokama) wakaringa nzira
  • Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa.
  • Mombe yetsiru manhenda waikama.
  • Nhaka mbuya ndeyemombe, yemunhu inozvionera.
  • Kuteerera mombe nhore kunofa ino muchiti. While nursing an old cow there dies one which is strong.
  • Mombe yenzenzi sungira. A newly arrived ox should be tied up.
  • Mombe yenjeni gara wakasungira. An ox that is strange to the place you tie up.
  • Mombe chena inoparira pavete nhema. The white ox reveals the place where the black one is lying.
  • Nzombe huru yakabva mukurerwa. (Great people are raised up by other people).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • BaKalanga vanoti nala (adj. - red brown markings on an ox) kureva mavara matsvuku ari pamombe. Zvichida izwi iri rinotodzanaa nokuti Nhara?
  • VaSwahili neVaDigo vanoti mtamba (heifer) kureva tsiru. VaVenda vanoti kholomo (n. cattle) kureva mombe.
  • Herero inoti ongombe (n. cattle, ox, cow). VaHerero vanoti omurise (n. cattle herd) kureva mufudzi wemombe.
  • Zigula inoti makumbiro (n. groups)..