Mazita eMhuri

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNyakotyo)

Chinorwa chino chinotaura zvinoreva mazita emhuri dzeChishona dzemuZimbabwe. Mazita achadudzirwa pano ndeayo anenge akati hwandei.

A[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ambayi

B[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Achinjanja

C[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chabvonga (that which mixes up things or gatherings).
  • Chebundo - iri izita rinopiwa munhu asingagare pamba, mugaradzakasungwa.
  • Chideu kana Chidewu
  • Chikaka (Kukaka to be stiff - of a person, animal or thing that moves with difficulty).
  • Chihera - tsapi ndiki - small granary.
  • Chihoboya. Kune izwi rinoti kuhobodza rinoreva kuonza muviri - (Make thin or emaciated). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Chihoboya?
  • Chiguvare, Chipare - (door sill, threshold) iri ipuranga rakachinjika pamusuwo paunoyambuka kubva panze kupinda mumba.
  • Chikwavaire - munhu mupfumi, njonda.
  • Chipere (hyena) Kureha bere.
  • Chirunga (Sharp stake in a game pit) zvichireva chimuti chakapinza chinodzimikwa mugomba rekuteya mhuka dzesango. Pahumwe chonzi runga. Vamwe vanoti dika.
  • Chivizhe (one who inteferes in talking)?? Kukamukira, kubizha (to intefere).
  • Chenje - zvinoreva mbesa dzemhando imwe dzisina kusanganiswa. Sokuti chibage chenje chinenge chiri chibage chega.
  • Chinamasa. Kusakara kwechari kunotanga masa. When a shawl wears out it begins at the fringes.
  • Chigumo (Marvelous occurrence) zvichireva maminimini kana gumo.
  • Chimbwanda. Kune izwi reShona rinoti kumbwandaira (Walk humbly, shyly). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chimbwanda?
  • Chimwanda - (bundle or grass) zvinoreva dzama rehuswa zvikurusei huswa hunoshandiswa kupfirira denga remba.
  • Chinganga (Impetuous person) munhu anokasira kuita zvaafunga achibva aita neganyavhu.
  • Chinhoi - aka kapuka kaya kanonzi chitaitai - fire-fly.
  • Chirau, Chiro - iyi inzvimbo inorara mapfeni.
  • Chisamba (Small bag) apa kureva kahomwe.
  • Chisunguro (Beer strainer)
  • Chisirimunhu
  • Chivero kana kuti chirodzero idombo rokurodzera mapanga.
  • Chitara (Beacon to mark land allocation) chiro chinopangidza pane miganhu yenzvimbo yakapiwa kumunhu.
  • Chitembwe (Patch of cloth) apa kureva kajira.

D[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

G[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gama (Astonishing act or thing). Pahuwandu kwonzi Magama.
  • Gambe - hari inoshandiswa kubikira doro. Rukambe.
  • Gambiza (water ditches, vleis, marshes).
  • Gambinga - garwe gono rachembera.
  • Gwanha - iri ishizha remuriwo rakomba risisina kufanira kuti ritanhwe kana kubikwa.
  • Gara (Inaccessible place).
  • Gweshe - ibanga rakagomara kana banga rinoshandiswa kucheka mupunga kana rukweza.
  • Gumbi - shoko iri rinoreva danga kana boka remombe dzakawandasa.
  • Gundidza (probably one who grinds coarsely??). Izwi rokuti gundira rinoreva kumanza pakukuya kana pakugaya.
  • Goba (Quiver) apa kureva goba rinobangirwa miseve.
  • Gope (1. Peak of a cap, 2. Hair hanging down face - generally of animal). Zvichida mazita anoti Makope naNyamakope anotodzana nezita iri zvakare.
  • Gwata kana Makwata (1. Hopper of migratory locust, 2. Big group).

H[chinjirudza | chinjirudza mabviro]


J[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Jera - iri zita rinodaro richibva pashoko rokuti jerandoga rinoreva mukono wegudo kana handira inogara kana kufamba yega.

K[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

M[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mabaya. Kune izwi rokuti baya kana mabaya (1. Uncongenial task. 2. Misfortune e.g continual ill-health) rinoreva basa rinodzimba kana jambwa.
  • Mabeza kana Nyabeze. Kune nyaudzosingwi yokuti beza inoreva kugara pasi wakanyarara - sitting quietly.
  • Mabikwa (Delayed, harmful effeet of some action).
  • Machote. Kune nyaudzosingwi yokuti chote (ideo of Speaking inconsequentially). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Machote?
  • Made - Kuita zvinhu nenzira inosiya vamwe vataika. (tricky way of acting). Tsuro ine made painodzinganiswa nembwa inosvetuka kuti isasiya hwema hwayo pavhu.
  • Madongorere, Matongorere (Peeping) izvi zvinotaura munhu ane katsika kekudongorera.
  • Manhando, Madavo kana Chiro (whim, vanity).
  • Mudzamba - masese edoro - beer sediment.
  • Madzimbamuto - munhu anotora muriwo kana usavi hwakawanda kudarika mugove wemunhu umwe. Vamwe vatauri voti anokambura.
  • Madyangwe - (pranks, jokes) zvinoreva jee, saka munhu ane zita iri anenge ari munhu anoita zvinosetsa vanhu.
  • Mahwite. Mazwi ekuti hwiti uye hwitira anoreva kukasira pakuita kana kufamba rapidity of movement.
  • Mahoka kana hoka (hoeing bee) apa kureva mubisho unounganidza vanhu vemhuri dzakatsukana vachikusakura munda wemuvakidzani wavo.
  • Makuvire kana Guvire (One who acts greedily, more or less as a joke) apa kukuvira zvichireva kudya zvamakaro kuchiitwa sekusetsa vanhu. Makuvire izita remhuri.
  • Maminimini, Marere - izvi zvinhu zvinoshamisa, zvakarurama - astonishing and marvelous occurrence, sight or things.
  • Makwenha (one who dishonors or disgraces another).
  • Maorera sezita (Humble person who does not answer back).
  • Mangaza (one who looks longingly).
  • Mapfudza - kupfudza zvinoreva kugaroenda kunhu kuri murehwa - to go constantly to a place.
  • Matika (1. sharp pointed sticks; 2. Sharp Stakes in a game-pit; 3. Wooden beetle for beating floors). Tarisa chinyorwa chinonzi dika.
  • Matamisa zvichida zvinoreva uyo anokonzera kuti vanhu vatame kubva panzvimbo. Mazwi okuti thama (do; make) kana thamisa (cause to do something) anotaurwa kuKalanga.
  • Mashanyare Kune izwi rinoti kushanyarika (to wallow, roll) rinoreva kuumburuka kana kubidirika.
  • Mawadzure (one who grinds a little meal). Kuwadzura kana kukwadzura (grind a little meal)
  • Mhiribidi (Tricks or deceit??). Tsuro ina mabiribidi: a hare is full of tricks.
  • Muchira kana Machiri. Izwi rokuti ichili (living person; well-off person) rinotaurwa kuKalanga kureva munhu ari kurarama kana munhu mupfumi. Zvichida ndpo panobva mazita maviri aya.
  • Muchirahondo. Izwi rokuti chila (live; survive) rinotaurwa kuKalanga kureva kurarama kana kupona. Zvichida Muchirahondo kutaura kuti munhu akapona muhondo.
  • Mudzamba - bota rakabikwa kuchishandiswa hupfu hune mukaka panzvimbo yemvura.
  • Madzudzo - iri rinoreva kuva nezvinonetsa pfungwa.
  • Muganyi - kuganya (become rich) zvinoreva kupfuma kuChiNdau.
  • Makumbe - iri zita rinotaura munhu anotora nokuunganidza kose kaawana.
  • Makoni (the able one).
  • Maketo tarisai chinyorwa chinonzi nzungu.
  • Mandisodza - Kusodza ishoko reChiNdau rinoreva kuzvidza - (to despise) .
  • Mangwende (one who trembles) iri zita rinotaura uyo anogwenda pakutya
  • Mapereke - (generous person) zita iri rinotaura munhu anopa zvakanyanya asinganyime.
  • Marambakuyana - zvinoreva munhu anoramba kuyanana kana kuregererana.
  • Mashakada - (boiled maize grain) zita iri rinoreva mangayi.
  • Mushininga - (hard work) shoko iri rinoreva basa rinorema, rakaoma.
  • Masona - ( person who exaggerates) zita iri rinopiwa munhu anowedzeredza pakutaura nyaya.
  • Mataranyika zita iri rinorevei? Kune izwi rokuti kutara murwere. Kune izwi rokuti -dara. Kune izwi rokuti nhara, sokuti - Chaukura akanhara kuIndia - Chaukura appeared in India.
  • Matimba, Mangisi - (sweet beer) iri idoro rinotapira.
  • Mbanga - zvinoreva bhegi rinorukwa netambo.
  • Mazvimbakupa (one who yearns to give) zvinotaura munhu ane chishuvo chekupa - apa kuzvimba kusiri kukuvara kwenyama asi chishuvo - yearning.
  • Maunga (Hairy caterpillars).
  • Mbirimi (industrious person, champion) munhu anoshanda basa nemazvo asina nungo.
  • Mombeshora (cow of the colour Shora).
  • Mubvuwi zvinoreva munhu anobika doro.
  • Mudede zvinoreva chibage chinyoro chave kuda kusvika pakusimba kwekuti chidyiwe.
  • Mufunda. Kune mazwi anoti: kufunda kana kufundura (give liberally, generous). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mufunda?
  • Mukombwe (one who is surrounded).
  • Mukwaira kana Muhwayira (a narrow path, a track through grass).
  • Munemo - (playfullness) kureva munhu ane maitiro ekuda kutamba, nekusekesa vanhu.
  • Mungwariri (one who is in charge of; one who watches over) apa kureva mutariri wemushando uri kurehwa.
  • Munyongani (crooked).
  • Mushonhiwa tarisa mazita anoti Shonhiwa Shonhayi.
  • Mupari - kutsvaga tsvaga sezvinoita huku kupara chikafu pane marara - iZita remhuri inoyera mutupo we *mbizi : Mazvimbakupa.
  • Mutambikwa - kutambika ishoko reChiNdau rinoreva zvimwe nokuchinjika - to lay one thing across another or others; to cross things.
  • Mutaira - kutaira (to warm oneself in the sun) izwi reChiNdau rinoreva kuzambira zuva.
  • Mvenge kana Bvenge (1. Mixed gathering - male, female, young, old, 2. Mixture of different things - not liquids).
  • Muushi (a shepherd). Kuusha (to shephered sheep) zvoreva kufudza hwayi. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Muusha??
  • Mushuna (steak, fleshy meat) apa kureva nyama yemunyepfu. Chishashavira chowadya ganda kukunda wadya mushuna: Boasting about what was eaten with skin praises it more than the one who has eaten steak. (which has same meaning as empty barrels make the loudest noise.

N[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

R[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Raza (that which came or has come).
  • Rupiya - iri zita rinobva kuPortuguese inoti rupia kureva twenty cent piece.
  • Rugundiya - iri zita ringava nechekureva pakuita gunda - walking too closely.
  • Rubwe kureva ibwe kana dombo.
  • Rukambe - hari inoshandiswa kubikira doro.
  • Rushwaya. Izwi rokuti shwaya (hook out; poke at) rinotaurwa kuKalanga.

S[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

T[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tarovedza (cause to become accustomed, train)

Z[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

[1]

  1. http://citeseerx.ist.psu.edu/viewdoc/download?doi=10.1.1.954.1295&rep=rep1&type=pdf