Nhamba yakaterama

From Wikipedia
(Redirected from Nhamba yemhangwa)
Jump to: navigation, search

Mazwi anoti nhamba yakaterama (positive number) ari kushandiswa pano kuturikira nhamba yakakura kudarika zero. Mazwi aya anobva pakuti nhamba idzi hadzinetsi dzakarongeka sokuverenga kwemazuva ose - nhamba hombe dziri padera kana pamusoro penhamba ndiki. Shoko reEnglish rokuti positive rinotodzana nerinoti positioned apa kureva kurongeka kwakaringana kwezvinhu. Nhamba yakaterama inopangidzwa nechiratidzo + pamberi payo sezvizvi: +253. Asi mukutaura kwemazuva ose nhamba dzose dzisina chiratidzo chekupungudza - dzinoverengwa senhamba yakaterama.

Nhamba iri pasi iri ndiki kuna zero inonzi nhamba yakapokama iri zita richitodzana nezwi rinoti kupokana rinoreva maitiro kusatenderana nezviripo kana zvarehwa.


Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Izwi rokuti yakaterama rinenge roreva positive.
  • Mukutaura kwemazuva ose munhu akaterama munhu ane positive attitude pane zviri kurehwa panguva iyoyo.