Nhamba yakapokama

From Wikipedia
(Redirected from Nhamba pfocho)
Jump to: navigation, search
Thermometer iri kuratidza hujoto hwakademera pasi pazero.


Mazwi anoti nhamba yakapokama (negative number in English) ari kushandiswa pano kureva nhamba diki kuna zero iri pasi pazero. nhamba yakapokama dzinoshandiswa kutaridza kurasikirwa nehuwandu, kuderera kwehuwandu, kutaridza kuti pane chikwereti. Somuenzaniso kana paine chikwereti chezana remadhora chinonyorwa senhamba yakapokama sezvizvi -$100. Nhamba dzakapokama dzinonyorwa dziine chiratidzo chokubvisa pamberi. Somuenzaniso -3, huwandu hwakapokama hune huhombe 3; nhamba iyi inotaurwa ichinzi 3 ndemo - kureva minus 3.

Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Apa shoko rokuti yakapokama rinotodzana nerinoti kupokana rinoreva maitiro ekupokanidza kana kusatenderana seizvo zvinoitwa kana minus achishandiswa. Shoko reEnglish rokuti negative rinotaura kusavapo kwechinhu chiri kutarisirwa kana kupokana nezviri kutarisirwa.



Nhamba dzakakura kudarika zero ichanzi nhamba yakaterama.