Nehanda Charwe Nyakasikana

Kubva Wikipedia
Mbuya Nehanda

Nehanda Charwe Nyakasikana (c. 1840– April 27 1898) kana Mbuya Nehanda aive svikiro, kana svikiro revanhu vechiZezuru Shona. Aive svikiro raNehanda, mukadzi wechiShona mhondoro. (Simba uye rinoremekedzwa mweya wemadzitateguru)[1] Semumwe wevatungamiriri vezvemweya veVashona, aive mumwe wevatungamiriri vevapanduki, vaChimurenga, vachipesana neKambani ye Bhuritani Afurika Chamhembe kukoloniwa kweZimbabwe inotungamirwa naCecil John Rhodes muna 1889.[2][3]

Aive Hera weHwata Mufakose Dynasty. Iye neshamwari yake avo vamwe vanyori venhoroondo vanoti aive murume wavo, Sekuru Kaguvi vakapedzisira vabatwa nekuurayiwa nekambani vachipomerwa mhosva yekuponda.[4] Akave akarangarirwa nezvizvarwa zveZimbabwe kuburikidza nekuvaka zvidhori muzita rake, mazita emigwagwa, zvipatara, nziyo, mabhuku enhetembo, nhetembo.[5] Nhaka yesvikiro yakaramba ichibatana nedingindira rekupokana, kunyanya hondo yemagandanga yakatanga muna 1972. Zita rake rakazonyanya kukosha kumasangano ezvematongerwo enyika muZimbabwe.[6][3]

Nhetembo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Aah! Nehanda Nyakasikana!

Kunozove riniko,

Isu VaNyai tichitambudzika;

Mweya Unoera!

Kunozove riniko,

Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?

Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;

Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?

Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,

Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,

Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;

Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;

Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,

Ko, isu rugare ruchatisvika riniko?

Vana vacheche vatinobereka,

vawakatipa Iwe Samasimba,

vanova ndivo vadyi venhaka dzedu,

nhasi vokura vakasunzumara munyika yavo,

Voshaya nzvimbo dzokurarama nokuzvidekadza?

Apa nepapo pazere rufuse,

Makumbo avo ane matuzu nokupfuviswa neriri pfumojena.

Ko, vosvikepiko?

Mudzimba dzose nomumisha yose vari kutandwa pamwe nokurohwa;

Munzvimbo dzose nomumatare mose avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi,

Pasina chikonzero, pasina mhosva

Pfuma yenyika nhasi yakatorwa vakagovana paukama hwavo vepfumojena.

Nhasi vari kudya mafuta ayo nyika

Isu tichidya nhoko dzezvironda

Nhasi vari kudya, vakora sehochi

Isu toondoroka sembwa ine gwembe

Nhasi vagere murusununguko

lsu todzipwa huro nemajoto

Rusununguko, Nehanda, ndorupi?

Hamungaburukirewo kwatiri here?

Harahwa dzedu dzobatwa sepwere

Munyika yawavapa, musiki mugoni!

Havasisina rukudzo panyika.

Havasisina chavanacho

Dambudziko guru ndiro ravawira

Baba mutsvene!

Gomo rine ngoni!

Hamungotinzwawo kuchema kwedu here?

Tine chitadzo chakakura sei

Chokubva matiramwa zvakadai?

Nehanda Nyakasikana!

Kunozova riniko?

Isu VaNyai tichidzvinyirirwa

Neriri pfumojena rasvika munyika.

~ Nhetembo iyi yakatogwa kubva mubhuku rinonzi, Feso, rakanyogwa naVaSolomon Mutswairo (mugore ra1956).

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Mazama, Ama (23 April 2019). 'Charwe'. Encyclopedia Britannica. Yakatariswa: 30 Chikumi 2021
  2. Dube, Zorodzai (10 October 2018). "The ancestors, violence and democracy in Zimbabwe" (PDF). Verbum et Eccle. 39: 3. doi:10.4102/ve.v39i1.1875 – via ISSN: (Online) 2074-7705.
  3. 3.0 3.1 enwiki, (31 Chivabvu 2021) 'Nehanda Charwe Nyakasikana' Yakatariswa: 30 Chikumi 2021
  4. "The Suppressed Histories". Female Liberators. Retrieved 1 May 2006.
  5. Beach, D. N. (1998). "An Innocent Woman, Unjustly Accused? Charwe, Medium of the Nehanda Mhondoro Spirit, and the 1896–97 Central Shona Rising in Zimbabwe". History in Africa. 25: 27–54. doi:10.2307/3172179. ISSN 0361-5413. JSTOR 3172179.
  6. Mazama, Ama (2009), "Nehanda", Encyclopedia of African Religion, SAGE Publications, Inc., doi:10.4135/9781412964623.n280.