Svetuka kuchirochemo

Ndemo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNdemera)

Shoko rokuti ndemo (contrariness in character or purpose) rinotaura munhu kana chinhu chine zvinangwa kana mushandiro unopokana nezviripo zviri kudiwa kana zvinotarisirwa.

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Mwana waSaunyama ane ndemo - apa kureva kuti mwana uyu haaite kana kutevedza zvinangwa zvenguva iyoyo zvinenge zvakatarwa kuti zviitwe.
  • Chindeme (unfavourable outcome) zvinoreva mhedzisiro isina kururamira mubati kana ari kucherechedza.
  • Indemo hadzo dzeane nyota, asi mvura haikokotwi. It is (hopelessly) incongruous for a thirsty person but water cannot be scraped up with a finger.
  • Indemo dzomutenda kukumbira mvura imwe anayo. It is contrariness for a sick person to ask you for water which is there.

Shoko iri rinokwanisa kuzoshanda kuturikira inonzi negativity kuEnglish.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaSwahili vanoti mteremo, miteremo, nderemo (joy, happiness; cheerfulness, contentment, comfort; light-heartedness, freedom from care; amusement).