Svetuka kuchirochemo

N'wadhi re Varhoma

Kubva Wikipedia
<<<< Zviito >>>> Vakorinde I

Tsambahuru ya Paurosi kuVarhoma (kana N'wadhi re Varhoma) in'wadhi rechitanhatu pakati memakumimaviri-nenomwe reTestamende Ritsva, uye ndiro rirefu pakati petsamba dza Paurosi dzose. Vafundi veGwarodzvene[C 1] vanobvuma kuti rakanyorwa naMutume Paurosi kutsanangura kuti kuponeswa kunouya kuvanhu nokutenda shokodzvene[C 2] ra Jesu Kristu.

N'wadhi reVarhoma rinofungidzirwa kunzi rakanyorwa navaPaurosi pavaigara mumba maGausi muguta reKorinde.

Zvidzidziso zve N'wadhi'ri

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pachidoko, n'wadhi re Varhoma nderimwe n'wadhi ringanzi ihwaro ne dombo reruambaushe[C 3] mumufambo weChikristu. Rinoringa nokupindura zvibvunzo zvinosanganisa; chivi, nyasha, kuponeswa, uye kureva kwekurungamiswa nekuvimba.

Mun'wadhi'ri vaPaurosi vanoundura kuti zvinonzi chivi kana chitadzo chii, uye vanopinda zvakadzama mukudzidzisa vaye varikuuya kuUkristu kuti pakutadza hapasipo munhu paanogumira. Ndeipo paye panezanhi ritsva, panosvikwa navaPaurosi muchido chaJehovha vachinyora vachiti: munhu wose akambotadza (Varhoma 3:23). Vanotsanangura nyasha dzaMwari dzinoshanyira uya anodzidinga muhupenyu hwake, hakusi kugona kwemunhu kana kurava kwemunhu kunoita awane nyasha. Kurevakuti, hazvinei nezvaita munhu, zvisinei kuti zvakaipa kana kuti zvakanaka, nyasha dzaMwari dzinovinga wadzinovinga zvichienderana nechido chavo Mwari. Nekumwekutaura, zvinganzi nyasha dzinenge sehumwe hunhu hwaMwari, zvimweni neizvozviya zvokuti Mwari munyaradzi, kana mufudzi; pamwechete nepo, nyasha ndemamwe magariro aMwari. Ngazvinzwisisikwe kuti, panonzi nyasha hunenge hunhu hwa Mwari, hakusi kuti ndiwo ega maitiro aShe. Chiso chaMwari chiri muzvizhinji, hukuru hwavo haunganzwisisiki muuzima hwevanhu kunze kwekuratidzwa naMwari pachavo zvakachengetedzwa kuseri kweziso. Madiro avo kupa nyasha nekusadzipa, neufambe hwekuverenga zvinyorwa zvinotaura mun'wadhi'ri kuti: Mwari vanowanikwa mungoni kunevavafunga kuwanikwa (Varhoma 9:18).

VaPaurosi vanonyora vachienda mberi vachitaura nezve kuponeswa uye kurungamiswa nechivimbo kwemunhu, sezvo, zvakanyorwa zvichinzi: vaAbarahama vakavimba naTenzi Mwari zvikaravwa sokurungamika pamusaka pavo (Varhoma 4:3).

Uyezve, n'wadhi'ri rinopupura nezvokuponeswa nokutenda munyasha uye muchipiriso chikuru cherudo chakaitwa zvose nokuzadziswa munaIshe Jesu. Izvi zvinorakidzwa mukukudzwa kwakakosha kweMweya Mutsvene, vaPaurosi vanotaura nezvokuti: hapachina kutongeswa (kana kutongesana) kune vaya vari munaJehovha, Jesu Kristu (Varhoma 8:1). VaPaurosi vanokurudzira kukosha kwazvakaita kuzvininipisa pamberi paShe, kuzviisa mumaoko aMwari kuti munhu utungamirwe neMweya Mutsvene. Kuuraya zvepanyama, nekusimbisa zvemumweya. Nekuti mumoyo mavaPaurosi tinoona shoko raMwari richiburikira, apo paye pakanzi navaPaurosi: chidaka changu ndechekuti imi mose, hanzvadzikadzi ne hanzvadzirume dzangu muve vaponeswi (Varhoma 10:1). Apa vaPaurosi vainzwisisa shoko raMwari rinozvipupurira, nokuti chavo chido Mwari ndicho chekuti munhu wese awanikwe neruponeso (izvi zvakanyorwa mun'wadhi ra 1 Timoti 2:4).

Chikuru kuziva kuti pamusoro pezvose, ndizvozvo kuti nyasha dzinokwanisa kuwana cheromunhu nechisaka chezvirimumado aShe, izvi hazvizorevi kuti vanhu varambe vari muzvivi zvavo vachiti: nyasha dzichaniwana (Varhoma 6:14). Nyasha dzinokuwana kumakomba, kumipata, kumakomo zvose nekumasangano pakati pevamwe vanhu, asi nyasha hadzikuwani paunogumira, vafi ndevekuvafi, vapenyu ndevekuvapenyu. Mwari vanofaninhirawo kuremekedzwa.

Sezvo, ndikosaka mafungiro anoita munhu baba wake wepanopasi, achifuwa kuti vanofara here, vanorwadziwa nei, akapedzisira kuvaona kana kuswera navo riinhi, ndizvo zvimweni nekufungwa kunoitwa munhu naMwari. Saka, mukurarama, vanhu ngavazame kuvaka hukama naMwari vachimuverengera pavanopengera hama dzavo. Nokuti ivo Mwari vanofunga zvisikwa zvavo sokudaro, chidaka chavo kuva neyanano nevana vavo vose.

Nyaya ye Gwarodzvene, zvisinei kuti mun'wadhi raVarhoma, kana kudzoka kunerekutanga, Mavambo, zvinorakidzwa kuti: hapana kana munhu mumwechete Mwari vavanodaka kuona achirasika kana kusiyiwa. Pakadaro, vanorwadziwa somubereki afumira asvikirwa nechinguva chokufuka ivhu pamwana wake. Kunyangwe Jeso, Isheanesu[C 4] pasi, vakachema pamberi perufu rweshamwari yavo, zvisinei simba neruzivo rwavo kuti vaizomumutsa.

Mushure mezvose zvavanoreva, VaPaurosi vanodzidzisa futi vanhu veChikristu magariro muhupenyu, kuti vave vanhu: vane rudo rwusina chinyepo, vanozvigadzakutsi kwevakuru, vanoshandisa zvipo zvemweya uye vanogarisana nevamwe. Gwarodzvene rinoti: wunzai mwiri yenyu sezvipiriso zvipenyu (Varhoma 12:1).

Mukupedza tsamba yavo kuVarhoma vaPaurosi vanonyora shoko rinoti:

Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva shokodzvene rangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi, asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda; iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.

Udorongodzwa we Zvirevo:

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. Gwarodzvene., kureva Bhaibheri
  2. shokodzvene., kureva gospel - nokumwe kutaura vanhu tinoti vhangeri.
  3. ruambaushe., ruambazame., kureva theology
  4. Isheanesu., Emmanuel, the Lord with us.